CHISHONA CHAKANAKA

16 Apr, 2015 - 00:04 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Pedzisa zvirevo izvi:

1. Yadeuka yadeuka . . . (mvura haidyorereki)

2. Muchechetere mvura ye. . . (guvi)

3. Usayeuke bako wa. . . (naiwa)

4. Mvura haina . . . (n’anga)

5. Hapana mvura isina . . . (chura/datya)

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Mvura:

1. Mvura inonaya kwenguva refu, kana kwemazuva akawanda asi iri shoma, uye iri nhete-nhete inonzi chii?

2. Kunaya kwemvura shoma, uye iri nhete asi kwete kwenguva yakareba kunonzi kuita sei?

3. Mvura inenge yanaya ikanoungana panzvimbo imwe chete inonzi yaita sei?

4. Mvura inenge yakachena asi yosvibiswa zvekusara yasangana nemadhaka nemarara inonzi chii?

5. Kusangana kwemvura yakachena nemadhaka nemarara kunonzi kuita sei?

6. Kana mvura ikaoma ichisiya mitsara-mitsara paganda kana pamudziyo mitsara iyoyo inonzi chii?

7. Mvura inocherwa mujecha murwizi rwunenge rwapwa inonzi mvura yei?

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links