CHISHONA CHAKANAKA

17 Jul, 2014 - 17:07 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

MHINDURO DZEMIBVUNZO YESVONDO RAPERA:

1.    Munochengeterwa fodya yebute inonzi nhekwe.
2.    Zvimiti kana mabhonzo akavezwa anoshandiswa nen’anga pakushopera dzinonzi hakata.
3.    Tunzungu tudiki twusina kunyatsosvika twunonzi mhutwa.
4.    Nzvimbo inofudzirwa mombe inonzi mafuro.
5.    Munhu ane simba rekukuvadza vamwe nemishonga anonzi muroyi.
* * *
Owen Mwawa anodzidza paHerbert Chitepo Primary School anoti:
1.    Huni dzakawanda dzakasungwa pamwe chete dzinonzi svinga.
2.    Miti yakawanda iri munzvimbo imwe chete inonzi bani. – 0773 183 083.
* * *
Kuchiti Ivy Kawanzaruwa ari muForm 6 paChawanda High School, kuMount Darwin anobvunza kuti:
Ichokwadi here kuti nhurikidzwa yenyaudzosingwi mubatanidzwa wezvizita nezviito? – 0778 578 637.
* * *
Zvikanzi naAaron Vutete wepaNyakabau Primary School, kwaMutoko:
1.    Huni dzakasungwa pamwe chete dzinonzi svinga uye kana dzikangowanda dzava bakwa
2.    Miti yakawanda iri munzvimbo imwe chete inonzi dondo. – 0783 456 484.
* * *
Brenda Mutaundi ari kuita Upper 6 paKotwa High School, kuMudzi ndokubvunza kuti:
Nhunzi hadzi inonzi chii muchiShona chaicho? . – 0783 456 484.
* * *
MIBVUNZO YESVONDO RINO:
1.    Munda unorimwa mupunga unonzi …..
2.    Munda unorimwa nzungu unonzi …..
3.    Kadende kanochengeterwa mafuta kanonzi …..
4.    Nyanga inochengeterwa mafuta inonzi …..
5.    Munochengeterwa fodya munonzi …..
* * *
Mhinduro dzemibvunzo yesvondo rino muKwayedza resvondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links