CHISHONA CHAKANAKA

20 Aug, 2015 - 00:08 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

MuchiShona, mazwi anotevera aya anoreva zvinhu zvakasiyana-siyana. Tsanangura zvinhu zviviri zvakasiyana zvaanoreva.

1. Nhamo (Nhamo yekufa kwemunhu/Nhamo yekushaya mari)

2. Dzihwa (Dzihwa remumhuno)

3. Muti (Muti wemushonga/Muti umire musango)

4. Musikana (Munhukadzi asati awanikwa)

5. Svondo (Zuva repasvondo/Zita rechechi kana kereke)

6. Zuva (Zuva rinopa chiyedza/Zuva repasvondo)

7. Rima (Kurima mumunda/Rima rekunge kusina chiyedza)

8. Kudya (Kudya chikafu nemuromo/Kukunda mumutambo)

9. Mwoyo (Nhengo yepamuviri wemunhu/Kuva kana kushaya netsiye nyoro)

10. Itsva (Chinhu chisati chashandiswa/piswa zvekuita chironda)

* * *

ZVAKABVA KUVANA:

Ndini Cecilia Chigodora, ndinofunda Grade 6 paMuparutsa Primary kuHonde Valley:

Mwana wembeva anonzi chii?

* * *

Serbia Mafunga ari muGrade 4B paMuparutsa Primary School kuHonde Valley ndokuti:

Mwana wehumbwe anonzi chii?

* * *

VeKwayedza pamberi nebasa, muri kugona. Ndinonzi Melody Garafa, ndinodzidza paNdima Secondary School muForm 3.

Zvidavado ndezvipi pakuongorora nekuyemura nhetembo?

* * *

Edina Mukuna ari muGrade 7 paRusvingo Primary School, kuHighfield, muHarare anoti:

Nzvimbo ine runyararo ndeipi isiri chimbuzi, kumakuva kana kudenga? Runyararo rwacho rwuchipinda pakuti kunenge kusina kana shiri dzinenge dzichichema.

(Mochari inogonawo kunzi imba yerunyararo.)

* * *

Tafadzwa Sanyanga wepaMuparutsa Primary School, kuHonde Valley zvakere ndokuti:

Ndiani akatanga kugadzira dzangaradzimu kana redhiyo? (Muna1895 Gugliemo Marconi, wekuItaly ndiye akagadzira yaaiti “wireless telegraph” (wairesi iyo yava kunzi redhiyo) apo aiva nemakore 21 okuzvarwa).

* * *

Tagurwa Bright T ari muForm 3 paNdima Government High School, kwaRusitu, kuChimanimani anoti:

Musoro wekuti “Ndiri pamarumana nzombe” unoenderana zvakadii nezviri mubhuku iri?

* * *

Jacob Dzenga anodzidza paVhengere Primary School, kwaRusape ndokuti:

1. Mazino anotanga kubuda pamwana anonzi chii?

2. Mhepo inonzi petagomwe yakamira sei?

* * *

Dorothy Chikosha wepaMurembe High, kuBindura ndokuti:

Mubhuku rakanzi Sajeni Chimedza tsumo inoti, “Rina manyanga hariputirwe mumushunje” inodudzirwa sei?

* * *

Kudakwashe Nyambabvu anodzidza paZambe Primary, kwaRusape anoda kuziva kuti:

Murume akafirwa nemukadzi anonzi chii?

* * *

Kuchiti Maybe Ratidzo Maganhu ari muForm 3 paMount Carmel High, kuHeadlands anoti:

Musoro webhuku unoti “Ndiko kusasana” unoenderana zvakadini nebhuku iri?

* * *

Heyoka mibvunzo yevana vadzidzisi. Batsirai nekutumira mhinduro kuti vana vazive Shona yemandorokwati.

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Zadzisa pakashama nezwi rakakodzera:

1. . . . . rine makumbo akawanda (Zingizi, Zundu, Zongororo)

2. (Tsuro, Nyoka, Shiri) . . . . yakamujobora.

3. (Nyaya, Nyevhe, Pembe) . . . . yakarira zvine ruzha.

4. (Mwena, Munzwa, Duri) . . . . wakandibaya.

5. (Badza, Dongo, Jongwe) . . . .rakakukuridza.

6. Akanyora . . . . (refu, mvura, tsamba)

7. Musango mune . . . . (vanhu, miti, hove)

8. Kunze kuri . . . . (kure, kukama, kuvhuvhuta)

* * *

Mhinduro svondo rinouya

Share This:

Sponsored Links