CHISHONA CHAKANAKA

09 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *
MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Hari dzine mazita adzinopihwa zvichiendarana nebasa radzinoshandiswa. Iwe nyora mazita ehari dzinoshandiswa mabasa aya:
1. Hari yekubikira sadza (shambakodzi)
2. Hari yekubikira doro (gate)
3. Hari yekucheresa mvura (chirongo)
4. Hari yekukamira mukaka (hwedza/hamiro)
5. Hari yekubikira mahewu (pfuko)
* * *
ZVAKABVA KUVANA:
Simba Muyambo anodzidza muForm 5 paSt Noah College anobvunza kuti:
“Matambudziko anosangana navatambi muna Pafunge anokonzerwa naJoe, unotii nepfungwa iyi?”
* * *
Chikuvadze Isheunesu anodzidza paWanganui High School, kuMashonaland West ndokubvunza zvinotevera:
1. Murume akafirwa nemukadzi anonzi chii?
2. Mubereki akafirwa nevana vose anonzi chii?
* * *
Crispen Rungas ari muGrade 1 (haana kutaura chikoro chacho) anoti:
Mazwi akafanana nabota ndeapi?
* * *
Vadzidzisi nevamwewo veruzhinji batsirai vana ava nekupindura mibvunzo yavo motumira mhinduro kuno. – MUPEPETI.
* * *
ZVEKUITA SVONDO RINO:
Tsanangura zvinoreva madimikira aya:
1. Kuoma mate mukanwa.
2. Kuita jema newadya.
3. Kubata kumeso.
4. Kusekwa nenyika.
5. Kukanda mapfumo pasi.

Shandisa madimikira iwaya mumitsara ugomakirwa nemubereki kana mudzidzisi wako.
* * *
Mhinduro svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey