CHISHONA CHAKANAKA

27 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

MuchiShona mune mazwi anogona kutaurwa achiita seakapesaniswa nemamwe mazwi, asi achireva zvakafanana nyangwe akadaro. Semuenzaniso:

1. Ratidza rinogona kunzi taridza

Iwe pedzisa kuti mazwi anotevera anogona kunyorwa nekutaurwa nenzira ipi:

1. Sunungura (sungunura)

2. Dzangaradzimu (dzimudzangara)

3. Natsidzira (natsiridza)

4. Rusungunuko (rusununguko)

5. Turunura (turura)

6. Dzengedzeka (dzedzereka)

7. Degaira (gadaira)

8. Kandiranwa (kandirwana)

* * *

ZVAKABVA KUVANA:

Vanessa Pomerayi ari muGrade 4 paTsinhirano Primary School, kuTafara, muHarare anobvunza kuti:

1. Vanhu vanouraya vanhu vanonzi chii? (mhondi)

2. Mwana wezingizi anonzi chii? (zana)

* * *

Valentine Pomerai ari muGrade 6 paTashinga Primary School, kuTafara, muHarare anoti:

1. Mwana wenguruve anonzi chii? (humbanana)

2. Mwana wenhunzi anonzi chii? (zana)

3. Ko zvichinzi gomo rinoyera rinenge richiita sei? (Munenge muine chivanhu chinoitika imomo, hamudi vanhu vanobvotomoka nekuti vakaita izvi vanotetereka.)

* * *

Loice Mugwagwa ari muForm 2 paCopper Queen Secondary School, kuGokwe North anoti:

Ndinobvunzawo dudziro yetsumo dzinotevera:

1. Mbavha imbatwa. (Chekutanga, tsumo kana kuti zvirevo izvi hazvina kuzara.

Chinofanira kuti: Mbavha ndembati, guhwa harivake musha.

Izvi zvinoreva kuti kufungira kana kuita makuhwa asi usina humbowo kunoparadza.

Saka kuti munhu azonzi imbavha, anofanira kunge abatwa achiba, kwete kungoti imbavha iye asina chamakamuona kana kumubata achiba.)

2. Chakakodza bere mafuta. (Ichi chirevo uye kazhinji chinoti: Hamuzive chakakodza nguruve.

Iyi yekuti chakakodza bere mafuta yave kutobvawo pane yenguruve. Asi zvainoreva ndezvekuti munhu haufanire kuita zvinhu uchisarudza nekuti hauzive chinogona kukubatsira.)

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Tiudze kuti madimikira anotevera ari pamusoro pemuromo anorevei.

1. Muromo hauzarirwe nerwizi.

2. Kuisa muromo mumhuno.

3. Kusona muromo.

4. Kuita pamuromo kana kuve nemuromo.

5. Muromo kapako kekuhwanda nako.

6. Muromo usingamharwe nenhunzi.

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links