Chitembwe otarisa nhorowondo

25 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
Chitembwe otarisa nhorowondo

Kwayedza

MITAMBO yeCastle Lager Premier Soccer League yasvika kwamvura yacheka makumbo uye parizvino vatsigiri vezvikwata zvinoti CAPS United neFC Platinum izvo zviri kurwira mukombe uyu vakabatira hana mumawoko vakamirira musi weSvondo apo pachaonekwa kuti shasha ndiani.

Parizvino CAPS ‘Kepe-kepe’ United yakabata mukombe uyu neruwoko rumwe chete uye iri kufanirwa kuhwina mutambo wayo neChapungu United uyo uchatambirwa kuAscot Stadium kuGweru kuti ikwanise kuhwina mukombe wePSL uyo wayakapedzisira kutora mugore ra2005.

FC Platinum, iyo iri kufemera mugotsi meCAPS United, iri kunanga kuBulawayo uko ichasangana neTsholotsho FC mumutambo uchatambirwa kunhandare yeLuveve Stadium.

Asi maziso ose achange ari panaLloyd Chitembwe murairidzi weKepe-kepe iyo yakapedzisira kuhwina mukombe wePSL panguva iyo aitambira chikwata ichi.

Chitembwe kana akahwinha svondo rino anobva aita wechitanhatu pavarairidzi vekuzvikwata zvakasiyana vakahwina mikombe vachitungamira zvikwata zvavakambotambira.

Asi mubhuku reCAPS United, Chitembwe ndiye achanyora nhorowondo sezvo pasina mumwe murairidzi akambohwina mukombe wePSL mushure mekumbotambira chikwata ichi.

Dynamos FC ndiyo iri pamberi sezvo iine varairidzi vatatu vakambohwina mukombe uyu vari vatambi vakazouhwina zvakare vave varairidzi vanoti Sunday ‘Mhofu’ Chidzambwa, David ‘Yogi’ Mandigora naKalisto Pasuwa.

DeMbare inoteverwa neHighlanders iyo ine vaviri – Methembe Ndlovu naRahman Gumbo – avo vakahwinha mukombe uyu vari vatambi pamwe nepavakazove varairidzi.

Sunday ‘Mhofu’ Chidzambwa

Chidzambwa anozivikanwa zvikuru achitambira Dynamos panguva iyo chikwata ichi chainetsa ndokukwanisa kuhwina mikombe mishanu ari kaputeni wacho.

Mushure mekunge asendeka shangu dzake dzenhabvu apo paakange akuvara, Chidzambwa akazorairidza DeMbare ndokuibatsira kuhwina mikombe misere yePSL mumakore akasiyana anosanganisira 1994, 1995 ne1997.

David ‘Yogi’ Mandigora

Yogi akakura mumhuri yeDeMbare kusvika ave kutambira chikwata chevakuru uye mugore ra1980 apo DeMbare yakahwina mumwe mukombe wePSL muchinda uyu akabva avhoterwa kuve Soccer Star of the Year.

Akahwina mimwe mikombe yakawanda ari mutambi kusvika azowaniswa mukana wake wekurairidza DeMbare iyo yaakatungamira kuhwina mukombe wePSL mugore ra2007.

Kalisto Pasuwa

Pasuwa asati anyora nhorowondo yekuve murairidzi wenhabvu wekutanga kuhwina mikombe yeligi kana kakatevedzana, aive muchikwata chaChidzambwa icho chakahwina mukombe wePSL mugore ra1997 pamwe nemimwe yakawanda.

Akazogadzwa pachigaro chinopisa kuDeMbare mugore ra2011 ndokuhwina mikombe yePSL mina kakatevedzana uye wekupedzisira waive wemuna 2014 apo paakazobva kuchikwata ichi.

Rahman Gumbo

Gumbo akakwanisa kuhwina mukombe wePSL ari mutambi wechikwata ichi mugore ra1990 apo aitamba nevatambi vanosanganisira Peter Ndlovu.

Muchinda uyu akazorairidza Bosso ikahwinha mikombe miviri yeligi kakatevedzana mumakore anoti 2000 na2001.

Methembe Ndlovu

Methembe Ndlovu anoonekwa semumwe wevatambi vakatamba nhabvu zvine mutsindo kuBosso izvo zvakamuona achibatsira chikwata ichi kuhwina mukombe weligi mumakore anoti 1998-99 na2000.

Akazogadzwa semurairidzi weBosso ndokuitungamira kuhwina mukombe weligi muna 2006.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey