Uncategorized

Chitunha chakabatira moto

28 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Chitunha chakabatira moto

Kwayedza

‘. . . chikadyiwa nebere’

VANHU vaiva parufu rwemukadzi aive muporofita ane mukurumbira kunharaunda yeMalen, kwaNyandoro, kuBeatrice, vakaona manenji apo chitunha chakatanga kubvira moto usina kuzivikanwa kwawakabva, mushure chichibva chazodhonzwa nezimuka rinenge bere chikadyiwa-dyiwa gumbo rose kuseri kwemba.

Mutumbi waMadzimai Tendai Elizabeth Ngulube veJohane Masowe yeNguwo Tsvuku, avo vaigara voga pamusha wavaichengeta, wakawanikwa uri muberevere memba svondo rapera.

Hapana ati aziva chakauraya mukadzi uyu.

VaErnest Bizure (43), mumwe wevagari vemunzvimbo iyi, vanoti mapurisa ekuBeatrice akanoziviswa apo mudzimai uyu akawanikwa akafa vakavimbisa kuzotora mutumbi.

“Mapurisa havana kuuya ipapo zvikaita kuti vemunharaunda tikuhwidza moto wekuti tirare takarindira mutumbi uyu waiva uri panze. Takabatidza moto chinhambwe chingaite mamita 20 kubva paiva nechitunha uye taidarika vanhu makumi mashanu, vakadzi nevarume,” vanodaro.

VaBizure vanoti mutumbi uyu waiva wakafugidzwa negumbeze.

Pave pakati pehusiku, vakazotanga kuona pachitunha ichi pachisimuka moto muhombe waiva mutsvuku uchiita sekunge chitunha chaitobvira.

Izvi, vanodaro, zvakaita kuti vamwe vaiva nehana nhete vatize kubva panzvimbo iyi.

“Floyd Mutimwi ndiye akatanga kundikwenya achiti, ‘Onai moto uyo, chava chipokoka ichi?’ Takaona rimi remoto richibvira kubva pachitunha nemukati medzimba dzose makanga mave kuitawo semaibvira. Pakarepo, takazoona mimwe moto miviri yakasiyana nekuseri kwemba padyo nechuru,” vanodaro VaBizure.

Vanoti chitunha ichi chakabva chatanga kunhuhwa ipapo.

Vamwe vaivepo vanosanganisira VaClaudious Mbefura vanonzi vakayambira varume vaida kusvika pedyo nemoto uyu kuti chaiva chipoko.

“Moto uyu wakanga wave kuti mumwe uri mudzimba dzose nhatu dzepamusha apa uyewo nepanze kusanganisira waiva wakaputira chitunha. Wakazodzima panguva imwe chete, vanhu ndokutya kusvika padyo nechitunha ichi kuti vaone kuti chaiva chatsva here. Vamwe vanhu vakatanga kupopota vachiti zvino aichemwa sei kana akavhundutsira vanhu?” vanodaro VaBizure.

Vakazoenda nevamwe paive nechitunha ichi kuma4 dzemangwanani vachida kuona kuti mutumbi uyu waiva watsva here.

VaBizure vanoti apa mutumbi uyu wakabva wazvuvirwa kuseri kweimwe imba nemhuka isina kuzivikanwa, iyo yaitova yakaurindirira yakatarisa kumadokero. Vamwe vaivepo vanonzi vakafungira kuti mhuka iyi yaive bere.

“Paiva nemutumbi uyu pakutanga takasvikowana paiswa pakiti reshuga re2 kg nemachira aiva akafugidzwa chitunha.

‘‘Takashevedza vamwe ndokuenda pakanga pave nemutumbi uyu tikawana wadyiwa gumbo rekurudyi kubva kutsapfu kusvika kuchidya zvekutosvika pabvupa. Mhuka iyi haina kumbovhunduka, yakaramba yakamira tikatya kuirova asi yakazongonyangarika,” vanodaro.

Mapurisa anonzi vakazosvika kunze kwaedza ndokutakura mutumbi uyu kuuendesa kumochari yekuChitungwiza Central Hospital.

Mudunhu rimwe chete iri, zvinonziwo nguva yadarika mune mumwe mutumbi wakadyiwa mhuno nemaziso vanhu varimo mumba.

“Mutumbi waSimon Zimhindo, uyo akafa mwedzi wadarika, wakawanikwawo usina mhuno nemaziso tave kuda kunouviga zvikashamisa. Pamwe varoyi,” vanodaro VaBizure.

VaJimmy Makunje (35), avo vaivawo parufu urwu, vanoti: “Amai ava vaisava nehama kuno sezvo vaingogara voga. Hatina kumbobvira takaona zvakadaro, kuti munhu anomuka chipoko asati avigwa,” vanodaro.

VaFredrick Muyengwa (24) vanotiwo havana neremuromo nezvavakaona.

Varidzi vemusha unonzi waichengetwa naMadzimai Ngulube havana kuonekwa neKwayedza.

Vatori venhau, vakasvikoona makirawa matatu akakombererdza musha uyu. Painamatira mushakabvu uyu paiva nembiya, matombo, mapakatwa nezvimwewo zvinoshandiswa nemachechi erudzi urwu.

Mai Agnes Mapasa (58) vanova muvakidzani vanoti havana kumbobvira vaona zvakadai mukurarama kwavo.

Vanoenderera mberi vachiti, “Mufi aigara oga uye aifanirwa kunge anga adarika makore 50 okuberekwa. Taingoona ivo voga pano asi vaiti vaiva nevana, hamheno kuti kupi,” vanodaro Mai Mapasa.

Sabhuku wemusha uyu, Mai Alice Mutimwii, havana kuonekwa neKwayedza.

Asi Sekuru Bonface Katerere vekuUzumba vanoti chiitiko ichi chinoratidza kuti kunyangwe mukadzi uyu achinzi aiva muporofita, anogona kunge aishereketa nemishonga yakaipa.

“Hazvishamise kuti amai ava vaiporofita nezvikwambo kana mishonga yemagora,” vanodaro Sekuru Katerere.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Nobert Muzondo, vanoti vanoda nguva yekuongorora mafambiro akaita nyaya iyi.

 

Share This:

Sponsored Links