Uncategorized

CHITUNHA CHAKAMUKA, Chikadya bota nekunwa mvura

19 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
CHITUNHA CHAKAMUKA, Chikadya bota nekunwa mvura

Kwayedza

  • Ndokuzofa zvachose

VANHU vainge vakaungana parufu kwaNembudziya, kuGokwe, vakaona firimu remahara apo zvinonzi chitunha chakamuka mushure memazuva matatu munhu afa – chikabuda mubhokisi, ndokukurungirwa bota chikadya, ndokuzonwa mvura chisati chanofira kuchipatara cheko musi mumwe chete iwoyo.

Rufu rwaAshel Abigail Zananda (14), wemubhuku raSigali, rwakave chishamiso sezvo zvichinzi musikana uyu akashaika nemusi waweMuvhuro 8 Chikumi mutumbi wake ndokumuka chava Chitatu 10 Chikumi 2015 apo waiva uchitori mubhokisi.

Veranga zvakare nyaya idzi:

Vatungamiriri vedunhu iri, madzimambo nevamwe vechikuro avo vakaona kana kunzwa mashura aya havana neremuromo nanhasi.

Kudunhu rimwe chete iri ndiko zvakare kune kamwana kekubuda muKwayedza kutanga kwegore rino kachinzi kakatakurwa neshiri, ndokuendwa nako mudenga asi ndokuzodonhedzwa pasi apo kainge kakarariswa mumunda nevabereki vako avo vaisakura. Mwana uyu mupenyu.

Mumiriri weGokwe Nembudziya mudare reNational Assembly, Cde Justice Mayor Wadyajena, vakataura nezvemashura echitunha chekumuka aya vachiti ichi chishamiso chikuru. “Nyaya iyi ndeye madzimambo edu muno nemasabhuku, kuti vatungamire mhuri iyi pachivanhu kutsvagiwe kuti zvakabva kupi. Chokwadi munhu uyu kufa, omuka otodya nekunwa? Madzimambo ngavaone zvekuita,” vakadaro Cde Wadyajena.

Hanzvadzi yaAshel, VaEdmore Mashonganyika (46), vakatsanangudza zvakaitika vachiti:

“Hanzvadzi yangu akarwara nemusoro kwemwedzi ingangosvika mitatu apo akanofira kumba kwamainini kuEmpress, uko ainamatirwa. Afa kudaro, takanotakura mutumbi tichiti tizomuviga. Asi zuva rechitatu afa, ndipo pakatanga nyaya iyi apo mumwe muporofita akabatwa nemweya akati mwana uyu aiva mupenyu. Aiti taida kuviga munhu mupenyu sei.”

Vanoti dakara pazuva rechitatu iri, mutumbi wemwana uyu waiva usina kuomarara sezvinoita chitunha.

“Amai ava muporofita wechechi yekwaMwazha kana kuti African Apostolic Church. Vakabatsirana nevamwe kunamata apo mwana uyu akatanga kupfakanyika nekusimudza mawoko ari mubhokisi. Chitunha chakazoburitswa mubhokisi,” vakadaro.

VaMashonganyika vanoti mutumbi waAshel wakaburitswa ndokugadzikwa wakazendama kumadziro, mawoko ose akabata pasi kumativi ose.

“Akabikirwa bota ndokudyiswa masipunu mashanu akazara achimedza. Pashure, akazonwiswa mvura akamedza dakara komichi (kapu) yasvika pakati,” vakadaro.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Joel Goko, vakatsinhira nyaya yemwana anonzi akafa akamuka ndokuzofa zvakare uyu.

“Inyaya yatinoziva, kuti mwana uyu akafa asi mapurisa edu akazosvika kumba kwaiva nemwana uyu vakaona ari mupenyu. Mapurisa akakurudzira vabereki nevehukama kuti vaende naye kuchipatara cheNembudziya kuti anorapwa izvo vakaita asi akazosvikofa paainge achibatsirwa nemachiremba musi uyu,” vakadaro Insp Goko.

“Dambudziko randiinaro pano handina ruzivo rwekuti mutumbi wake wakavigwa ukafukunurwa ukazovigwa zvakare, handina magwaro akadaro.”

Baba vaAshel, VaEsau Zananda (40), vanoti havana remuromo nezvakaitika pamwana wavo.

“Akamuka mwana zvechokwadi, akagara pasi akadya poriji nekunwa mvura. Takazoenda naye kuchipatara uko takasvikonzi mwana aiva azofazve zuva rodoka,” vakadaro baba vemunhu.

Amai vaAshel, Mai Precious Muringo (35), vanoti kufa nekumuka pamwe nekuzofa zvakare kwemwana wavo mabasa ehuroyi.

Vakati: “Pano hatina zororo nekuroiwa saka hazvishamise izvi. Vanhu ivava vanoda kutipedza nemhuri yangu nemurume.”

Vanoti mwana wavo aigara achitaura kuti kune vanhu vaida kumuuraya.

“Aigara achitaura mwana uyu, kuti kune vanhu vanoda kumuuraya avo aiti rwendo rwuno havamusiye,” vakadaro.

Sabhuku wemusha, VaMisheck Sigali (67), vakatsinhirawo. “Ini ndaisavapo asi ndakazotaurirwa kuti mambo vedu vakashevedzwa, VaNembudziya, avo vakanotora n’anga inonzi Dhumba.

“N’anga iyi inonzi yakasvikodyunga mwana uyu padumbu achibva atanga kubuda ropa mumhuno. Mapurisa nevakoti vakazoshevedzwa zvikazoita kuti mutumbi uyu uendeswe kuchipatara cheNembudziya,” vakadaro.

Chiremba wepachipatara ichi anonzi akaongorora mutumbi waAshel akati aiva afa musi wakare nenguva dza18:17, chipo chenguva inoita awa imwe chete asvika pachipatara ichi.

Mutumbi waAshel wakazoendeswa kumba ukanovigwa mangwanani emusi weChina 11 Chikumi, rinova zuva rimwe chete rakazoenda mapurisa vachinoufukunura.

“Mutumbi uyu wakazofukunurwa nezuro (China chadarika) nemapurisa vachiti waida kunoongororwa namachiremba kuBulawayo apo vakaudzosera kuchipatara cheNembudziya vachimirira motokari yaienda kuBulawayo.

“Isu tazokumbira nhasi (Chishanu chadarika) kuti tipihwe mutumbi uyu, uyo tazopihwa usina zvawo kuonekwa nemachiremba,” vakadaro.

Pakasvika Kwayedza pamusha wemhuri iyi nemusi weChishanu svondo rapera, yakawana mutumbi waAshel uchangodzoswa uye wakavigwa usina kupinzwa mumusha sezvo wakambenge waitwa zvirango zvechivanhu kare.

Mainini vemufi, Patricia Muringo (28), avo vane kumba kwakanoshaikira Ashel kuEmpress, vanoti zvakaitika kumwana wemukoma wavo zvinotyisa.

“Mwana uyu akafira kumba kwangu kwaKirima neMuvhuro uko ainamatirwa. Mutumbi wakazotakurwa neChipiri kuuya kumusha apo taiva takaronga kumuviga neChitatu.

“Akazomuka akadya poriji nekunwa mvura akazonofira kuchipatara kwaNembudziya zuva rodoka remusi uyu. Takamuviga neChina asi akazofukunurwa nemapurisa,” vakadaro.

Muzukuru wekwaZananda, Eddison Chakanyuka (36), anoti:

“Masaramusi ekufa nekumuka kwemwana chishamiso. Taita mazuva mashanu tiine nhamo pano asi nyaya iripo ndeye huroyi chaihwo. Tinogona kunge taviga munhu mupenyu.”

Sekuru vemushakabvu, VaWilliam Zananda (66), vakatsinhirawo zvekufa nekumuka kwaAshel. “Akamuka ini ndichiona. Uku kushereketerana chete, mudzinza redu tiri kuroyana. Haasi wekutanga kuita mufiro wakadai, pane mukomana akafa mugore ra2003 nenzira idzi saka isu semhuri yekwaZananda tinoda kuzofamba.

“Ndichakumbira kumasabhuku nemadzishe kuti tifambe nekuti tine vamwe vanohwanda nekuti tinonamata asi ivo vachishereketa,” vakadaro.

Sekuru vemushakabvu, VaChrispen Muringo (54), vakataurawo.

“Ndakavhundutswa zvikuru apo ndakanzwa kuti muzukuru wangu aiva nemazuva matatu afa amuka. Akadya bota nekunwa mvura tichiona, aya mashura andatangira kuona pamuzukuru wangu,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links