chitunha chakanhongwa chisina muromo nenzeve

04 Dec, 2015 - 00:12 0 Views
chitunha chakanhongwa chisina muromo nenzeve

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VAGARI vemubhuku raFuramera, kwaMambo Chihota kuMarondera, vakava nekushamiswa kukuru svondo rakapera pamberi apo vakaona mutumbi weimwe chembere musango asi wakabviswa muromo nemaziso.  Mutumbi waMbuya Elizabeth Piroro, avo vanonzi vaimbokanganisika njere, unonzi wakawanikwa musango chinhambwe chingaita 2km kubva pamba pavo.

Mbuya ava vanonzi vaigara voga uye mutumbi wavo wakawanikwa musitendi itsva yemumwe munhu iri kugoborwa miti, padivi pawo paine twusvinga twehuni.

Mai Jeniffer Furamera (46), vanova mudzimai wasabhuku, vakatsinhira kuwanikwa kwemutumbi wechembere iyi musango uye usina muromo nemaziso. “Takafonerwa pamwe chete nababa (murume wavo) tichinzi Mbuya Piroro vawanikwa vakafira musango uye zvekunzi vakawanikwa vasina muromo nemaziso takainzwa,” vanodaro Mai Furamera.

Vanoti Mbuya Piroro vakambochengetwa nedzimwe hama dzepadyo munharaunda iyi ndokuzodzokera kumba kwavo uko vakazobva musi weChipiri svondo rakapera pamberi, zuva rakwakarara kuchinaya mvura.

“Tichitaurirwa zvinonzi mutumbi wambuya ava wakazowanikwa wakamomoterwa nemasvosve emhamhatsi apo mapurisa anonzi akatokuhumura masvosve aya kumeso kuti vanhu vakwanise kuvaziva,” vanodaro.

Mbuya Susan Furamera (62), vanova amai kumushakabvu, vanoti nyaya yekuti mutumbi wemwana wavo wakawanikwa usina muromo nemaziso chishamiso kwavari.

“Mbuya Piroro mwana watete vangu, ichokwadi ndiri mumwe akasvika musango tikawana vakazara masvosve kumeso. Pakazobviswa masvosve aya takaona mutumbi wemwana wangu usina muromo nemaziso. Kana akadyiwa nemasvosve kana imhuka dzesango hamheno,” vanodaro.

Vanoti kuburikidza nekudyiwa kwemuromo nemaziso uku, zvakanga zvave kukonzera kuti vatadze kuvaziva ndokuzobatsirwa nembatya dzavainge vakapfeka.

“Mutumbi uyu wakazoendeswa kumba asi chokwadi chiripo zvaityisa nekuti vakuru vaivapo, kusanganisira ini, takaona zvisina kukodzera kuti tionekane nemufi uyu sezvo zvaisaita nekuda kwekusavapo kwenhengo idzi. Takazovaviga musi weChina (svondo rapera pamberi) pasina kunotariswa nanachiremba kuti chii chakavauraya.”

Mai Irene Dube (53), vanove muvakidzani waMbuya Piroro, vanotiwo mumwe wevakasimudza mutumbi uyu musango mawaiva nekuugezesa.
“Patakasvika, mutumbi uyu waiva wakamomoterwa nemhamhatsi nekumeso kwose zvatinofungidzira kuti muromo nemaziso zvakadyiwa nemasvosve. Asi chinonetsa ndechekuti mbuya ava vakafa zvisina anoziva chaizvo zvakaitika,” vanodaro.

“Vairarama upenyu hunorwadza sezvo vaisachengetwa uye murume wavo akafa. Semunhu airwara, vaimboenda kunogara kwaLandas (kwaChihota) kutaundishipi vachirara panze.

“Kana kudya chaiko vaitopihwa nevanhu venharaunda.”
Kwayedza payakasvika pamusha paMbuya Piroro yakawana pari padongo pasina vanhu asi vanonzi vasiya vana.
Vatori venhau pavakaenda panzvimbo yakawanirwa mutumbi waMbuya Piroro vakawana huni dzavanonzi vakanga vatsvaga, bhachi ravo nebhutsu imwe chete zvichiriko kusango zvichinzi hazvina akazvitora pakawanikwa mufi.

Mambo Chihota, VaRaphael Chigodora, vanoti nhamo yambuya ava vakainzwa asi havana zvakawanda zvavakataurirwa.
“Nyaya yekufa kwaambuya ava ndakainzwa, avo vanonzi vairwara nepfungwa vachigara voga.

‘‘Asi zvekuti vaiva nedzimwe nhengo dzakabviswa handina kuzvinzwa, ndichatotaura nemapurisa angu aivapo ndinzwe,” vanodaro mambo ava.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Nobert Muzondo, vanoti vanoda nguva yekutsvaga kuti nyaya iyi yakafamba sei.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey