Uncategorized

Chitunha chemuvhimi mudumbu regarwe

10 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Chitunha chemuvhimi mudumbu regarwe

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MURUME muvhimi wekumapurazi ekuBeatrice akauraiwa negarwe, mutumbi wake ndokudyiwa apo airedza hove uye garwe iri rakazopfurwa mudumbu maro mukaburitswa matumbu nedzimwe nhengo dzemuviri wemushakabvu.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Nobert Muzondo, vanotsinhira nyaya yekudyiwa negarwe kwaMedison Malasha (40), uyo aigara papurazi reKillet.

Vanoti njodzi iyi yakaitika husiku musi wa3 Kurume mudhamu repapurazi reHoumed.

“Tinayo nyaya yemurume akauraiwa negarwe mudhamu repapurazi reHoumed apo airedza hove achishandisa chubhu nemambure,” vanodaro.

Insp Muzondo vanoti Rodrick Tafirenyika (37) wepapurazi reKillet akabva kukomboni yeko muzuva rakatevera ndokudarika nepadhamu remupurazi iri apo akaona chubhu yaiva nemweya iri pamusoro pemvura.

Murume uyu anonzi akaziva kuti yaiva yeshamwari yake, Malasha.

Insp Muzondo vanoti paakaona chubhu iyi iri mumvura asi pasina munhu, Tafirenyika akava nefungidziro yekuti Malasha akange arumwa negarwe sezvo aimuziva semuredzi wehove.

“Tafirenyika akazoenda kumba kunobvunza nezveshamwari yake apo akasangana naBanabas Ruzero (37) uyo akamuudza kuti aiva anoredza hove kudhamu,” vanodaro Insp Muzondo.

Tafirenyika akazozivisa Ruzero kuti aiva aona chubhu yaishandiswa naMalasha iri mudhamu apo vakazotorana voenda vose.

“Vasvika ikoko, vakatanga kutsvaga mumwe wavo vakazoona garwe hombe mudhamu vachibva vanomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekuBeatrice,” vanodaro Insp Muzondo.

Mapurisa eSub-Aqua Unit anonzi akazoenda kudhamu iri uko vakanonyurura tsoka nechidya chekurudyi ndokuzowana chimwe chidimbu chemutumbi wake mumvura zuva rakatevera.

Vashandi vebazi reNational Parks and Wildlife Management vakazopfura garwe iri.

“Garwe iri rakazovhiiwa mudumbu maro mukaburitswa matumbu emushakabvu. Tsoka nechidya zvakawanikwawo pazvo zvoga musi wekutanga uye rechimangwana racho kwakazowanikwa chimwe chidimbu chemutumbi nedzimwe nhengo mumvura,” vanodaro Insp Muzondo.

Pakadhindwa nyaya ino, vemhuri yemufi vainge vakaungana kupurazi iri vachimirira kuongororwa kwenhengo dzemutumbi wemufi idzo dzakaendeswa kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital.

Insp Muzondo vanoyambira veruzhinji kuti vasiyane netsika yekutambira munzizi kana mumadhamu sezvo zviine njodzi yekudyiwa nemakarwe, kurumwa nenyoka kana zvimwe zvikara zvemumvura.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey