Uncategorized

Chitunha muwodhiropu: Muroyi akadzima ‘radio’

28 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Chitunha muwodhiropu: Muroyi akadzima ‘radio’

Kwayedza

MUKADZI uye wekuEpworth, muHarare, wekuti anoshandisa ruwoko rwemwana mucheche akafa semugwaku wekupakurisa zvekudya uye kuti ave nemwedzi minonwe achigara mumba nemutumbi wemutorwa wavakauraya nevamwe vake, nemusi weChipiri svondo rino akakonzeresa panhepfenyuro yeStar FM apo michina yekutepfenyura yakamboita seyoramba kushanda apo ainge akokwa pachirongwa cheTilder Show.

Sezvineiwo, motokari yakaunza mukadzi uyu, Stella Gondo (50), kunhepfenyuro ine mukurumbira iyi yakasvikofira paStar FM zvikazoita kuti iye nevamwe vainge vamuperekedza vadzokere kumba nemakombi mushure mechirongwa.

Mukadzi anozviti muroyi uyu ainge aperekedzwa kuchirongwa ichi nen’anga iri kumushandira, Rosemary Marumba Soko (43), nevamwe.

Rosemary Marumba Soko

Rosemary Marumba Soko

Gondo ari kuzviti muroyi, anoshanda nechikwata chevamwe vake uye mutumbi waari kugara nawo mumba ndewemukadzi wavakauraya uyo aivewo muchikwata chavo chekuroya.

Anoti vakauraya mukadzi uyu mushure mekunge aramba kuuraya mwana wake kuti vadye nyama sezvo chijana chake chakange chasvika.

Gondo anoti chitunha chemukadzi uyu chiri kuseri kwemubhedha wake muimba yaanorara, kunyangwe zvazvo mashoko ari kutenderera paWhatsApp achiti mutumbi uyu wakachengetwa muwodhiropu.

Pakatanga chirongwa cheTilder Show, icho chinoitwa naTider Moyo-Karizamimba, michina yekutepfenyura “yakajema” kanokwana katatu apo Gondo aida kutaura pamusoro pemabasa ake.

Izvi zvakatuma murongi wechirongwa ichi, Tilder, kuti amhanye-mhanye kuitira kuti zvinhu zvigadziriswe.

“Nhai mbuya zvadiiko mic (chekutaurisa) yava kurambaka iyi. Zvino munobatsirwa sei? Nhaiwe Kingstone (kureva munyori uno) imbovaendesa apo pamwe zvingaite. Zvakaoma nhai,” akadaro Tilder.

Gondo akazobviswa paaive achiendeswa pane mumwe muchina apo chirongwa ichi chakazoenderera mberi.

Achitaura, Gondo anoti haachada kuroya uye anoda kubatsirwa kuti zvipere.

“Handichada kuroya, ndinoda kuti shavi iri ribviswe asi muripo uri kudiwa nachiremba ava handina.

‘‘Hama dzangu hapana chadziri kubatsira nacho, ndinodawo kubatsirwa,” akadaro.

Soko anoti hapana chinonetsa pakubvisa mutumbi wemunhu unonzi uri mumba uyu asi zvinoda kuti vemhuri yaGondo vatange vawirirana.

“Chitunha ichi ndinochiburitsa zvakanaka, asi hama dzaamai ava dzakambouya hadzina kuzodzoka. Ndakambovati vandipe mombe nhatu mubasa iri asi havana kuzodzoka kusvika nanhasi saka ndave kufunga kuti ndivabatsire zvangu pachena.

‘‘Asi zvinhu izvi zvinogona kundiuraya, mabasa ehuroyika aya!” anodaro.

Gondo ari kugara kumba kwen’anga iyi uko ari kushandirwa.

Zvakadaro, mushure mekunge chirongwa chepaStar FM chapera, motokari yaive yauya naGondo nevamwe vake yakaramba kumuka zvachose.

Mutyairi wayo, uyo asina kuda kutaura zita rake, akati pane zvaaiona zvaaisakwanisa kutaurira.

“Uku hakusi kufa kwemota, pane zvandinoona.

‘‘Kana ikamuka handichakwanisa kuityaira, handei zvedu nemakombi toitora mangwana,” akadaro murume uyu.

Soko anoti kufa kwemotokari uku pamwe nekunjema kwemichina yekutepfenyura zvinogona kunge zvichikonzerwa nemweya yakaipa iri pana Gondo.

“Idzi imhepo dziri kurwisana asi tinokunda chete,” akadaro.

Gondo nevamwe vake vakazodzokera kudzimba nemakombi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey