Chitunha nepahwindo: Vakaripiswa mombe

19 May, 2017 - 00:05 0 Views
Chitunha nepahwindo:  Vakaripiswa mombe MUSHAKABVU NYAMUPENZA ZAWE

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MHURI yekwaChinhamora, kuDomboshava – iyo inonzi yakapinza nekuburitsa chitunha chababa vepo nepahwindo – svondo rapera yakamiswa mudare ramambo weko ndokuripiswa mombe mbiri.

Mushakabvu VaNyamupinza Zawe (79) ndivo vane mutumbi unonzi wakaitwa izvi nguva pfupi yadarika.

Mudzimai wemushakabvu, Mai Gloria Kambezo-Zawe (64) nevana vavo vanove vabvandiripo, ndivo vanonzi vakatungamira hurongwa hwekuvigwa kwaVaZawe.

Mai Kambezo-Zawe vanoti chitunha chemurume wavo chakapinzwa mumba nekuburitswa nepahwindo mushure mekunge bhokisi raive nemutumbi ratadza kukwana mupaseji yemba yavo.

Nyaya iyi yakazokwidzwa kudare raMambo Chinhamora nevamwe vana vemukadzi mukuru vemufi uyu vanoti Nyemudzai Zawe (36) naLoveness Zawe (46), avo vanoti mutumbi wababa vavo wakavigwa pasina hurongwa hwavo.

Mutauriri wedare raMambo Chinhamora, VaWashington Chinhamora (30), vanoti nyaya iyi yakapinda mudare.

“Dare rakawana mhuri iyi iine mhosva yekupinza nekuburitsa mutumbi nepahwindo.

“Dare rakati Mai Kambezo-Zawe vaisafanirwa zvakare kutungamiria pakuviga mutumbi voga nevana vavo hama dzemufi dzisina chekuita. Vakanzi varipe mombe yekusvibisa dunhu neimwe yekupa mhuri yekwaZawe,” vanodaro VaChinhamora.

Vakapihwa kusvika musi wa30 Chikumi kuti vange varipa mombe idzi.

Nyemudzai anotsinhirawo nyaya yekuenda kwavo kudare achiti shungu dzavo dzinoserera bedzi kana varipwa.

“Takashevedzwa kudare nyaya iyi ikataurwa mambo vakanzi vapihwe yavo mombe yekusvibiswa kwedunhu ravo. Isu takanzi topihwawo imwe yekuti vanhu ava vakapinza chitunha chababa vedu nepahwindo uyewo nekuti ndivo vaitungamirira rufu rwemutorwa,” anodaro Nyemudzai.

Mashoko ake anotsinhirwa naLoveness achiti mombe icharipwa iyi ichapihwa kuna baba vavo vasara, VaEmwani Kaitano (70) avo vanogara kuMhondoro.

Share This:

Sponsored Links