Uncategorized

Chitunha pfee nepahwindo

05 May, 2017 - 03:05 0 Views
Chitunha pfee nepahwindo

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
VANHU vainge vakaungana parufu rwemumwe murume kwaChinamhora, kuDomboshava, vakazokahadzika apo vakaona chitunha chemufi chopinzwa nekuburitswa mumba nepahwindo.

Mushakabvu VaNyamupinza Zawe (79) ndivo vanonzi vane mutumbi wakaitwa izvi nguva pfupi yadarika. Mudzimai wemushakabvu, Mai Gloria Kambezo-Zawe (64) nevana vavo vanove vabvandiripo, ndivo vanonzi vakatungamirira hurongwa hwekuvigwa kwaVaZawe.

Chitunha chemurume uyu chinonzi chakavigwa paine makakatanwa makukutu apo vamwe vehukama vaida kuziva kuti sei chakange chapinzwa nekuburitswa mumba nepahwindo.

Muchakabvu ange ari chizvarwa chekunyika yeMozambique asi ndokuzowana musha kuDomboshava. Anonzi akafira kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals mushure mekurwara zvisinei nekuti zvinonzi hurwere hwake hauna kutaurirwa dzimwe hama dzake, kusanganisawo vana vake vekubereka.

Nyakufa uyu anonzi anga ava kugara nemudzimai wake mudiki, uyo anonzi haana kuita mwana naye asiwo anga aine vakewo vana.

MUSHAKABVU NYAMUPENZA ZAWE

Mai Kambezo-Zawe vanotsinhira nyaya yekuti chitunha chemurume wavo chakapinzwa pamwe nekuburitswa mumba nepahwindo vachipa chikonzero chekuti bhokisi raive nemutumbi rakange raramba kukwana pamusiwo wemba yavo.

Asi mhuri yakaberekwa nemushakabvu kumudzimai mukuru inoti iri kushushikana zvikuru nemavigirwo akaitwa baba vavo izvo zvavanofungira kuti zvine chekuita nemishonga yekutsipika.

Nyemudzai Zawe (36) naLoveness Zawe (46) — avo vanova mukoma nemunin’ina — vanoti zvinoshamisa kuti vana vakauya nemukadzi wababa vavo ndivo vakatungamirira pakuvigwa kwemushakabvu, mutorwa kwavari.

“Baba pavakarwara vakaendeswa kuchipatara cheParirenyatwa, hatina kutaurirwa naamai ava nevana vavo. Takazoudzwa vafa apo pakatakurwa chitunha neimwe kambani inoviga vafi.

“Mumota iyi makapinda mwana waamai ava chete pasina isu vehukama. Mutumbi wababa vedu wakapinzwa mumba nepahwindo isu tavapo uye tave kunovaviga chitunha chikanzi zvakare chiburitswe nepahwindo.

“Chikonzero chainzi musiwo waiva waita mudiki pabhokisi. Tainge tati musiwo ngaupazwe asi zvakarambwa nevana vaamainini vachiti ndivo varidzi vemusha,” anodaro Nyemudzai.

Mashoko ake anotsinhirwa naLoveness achiti panhamo apa pakaitika mhirizhonga apo amainini vavo nevana ava vaiita “madiro pamutumbi wababa vedu”.

“Hongu, baba vanga vave kugara naamainini ava nevana vavo isu vasisina basa nesu. Kunyangwe mari dzababa dzepenjeni dziri kudyiwa nemumwe mwana waamai ava uyo wavakatoresa chitupa,” anodaro Nyemudzai.

Anoti baba vavo vasara, VaEmwani Kaitano (70) nehanzvadzi yavo, Pizon Zawe (50), vakakurirwa naamainini vavo vachibatsirana nevana vavo pahurongwa hwekupinza nekuburitsa mutumbi mumba nepahwindo.

Loveness anoti chiitiko ichi chakavasiya vaine mibvunzo yakawanda.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naVaKaitano sezvo pakaparara veruzhinji parufu urwu, ivo vanonzi vakabva vadzokera kumusha kwavo kwaNyamweda, kuMhondoro.

Loveness naNyemudzai vanoti vakasiya vaudzwa nababa vavo kuti vaida kuvigwa kumakuva ekuIrvine’s, muHarare uko vakatorera penjeni vachishandira uye kunova ndiko kwakavigirwa vamwe vana vavo vaviri.

Nyaya yekupopotedzana kwemhuri iyi nekuda kwemavigirwo akaitwa mutumbi wemurume uyu inonzi yakasvika pakuti vamwe vana vashanu vemuchakabvu varambe chikafu cheparufu apa.

“Isu sevanhu, taida kuziva kuti itsika rudzii dzakaitwa pamutumbi wababa vedu. Takabva tisina kudya kana chinhu cheparufu apa. Mbatya hadzina kugovewa, takadzisiira amainini ava nevana vavo,” anodaro Loveness.

Anoti vane hurongwa hwekuendesa nyaya iyi kudare raMambo Chinhamora nekumapurisa.

“Vana vemufi tasara tinosanganisira ini, Nyemudzai, Chipo, Washington naPatience Zawe pamwe nababamudiki vedu VaKaitano tinoda kuti nyaya iyi ibude pachena kuti chii chakaitwa kuti baba vedu vavigwe nenzira iyi,” anodaro Loveness.

Mai Kambezo-Zawe – avo vakataurwa navo panhare sezvo pakashanyirwa musha wavo kuDomboshava svondo rapera vakawanikwa vasipo – vanotsinhira kuti chitunha chemurume wavo chakapinzwa mumba nepahwindo ndokuzoburitswazve nepahwindo chava kunovigwa.

“Ichokwadi, chitunha chababa chakapinzwa nepahwindo chikazoburitswa nepo zvakare choenda kumakuva. Panyaya iyi, hapana kana kushandiswa kwemishonga, bhokisi rinonzi rairamba kukwana mupaseji yemba yedu izvo zvakakonzera izvi,” vanodaro.

Mai Kambezo-Zawe vanoti pakuvigwa kwemurume wavo nekambani inoviga vafi, vakashandisa policy yemwana wavo, Portia Jongwe, uyo wavanoti ndiye akatungamira nechitunha ari oga pachakaendeswa kuDomboshava.

“Mwana wangu anova ane pamusha patiri kugara kuDomboshava ndiye akatungamira nechitunha ichi aine vekambani inoviga vafi. Takazotevera tikaudzwa kuti bhokisi remufi raiva ratadza kukwana nepapaseji yepamba zvikakonzera kuti ripinzwe nepahwindo ndokuzonopinzwa mumba makachemerwa mufi. Ndiwo zvakare mabudiro akazoitwa mufi kuenda kumakuva,” vanodaro Mai Kambezo-Zawe. Vanoti imba yavo ine makamuri mana nemahwindo mana.

Mai Kambezo-Zawe vanoti vakaroorwa nemurume wavo apo aive nevamwe vana kare, avo vavasingapindirane navo nekuda kwezvikonzero zvakasiyana. “Vana ava vanoti Loveness naNyemudzai nevarume vavo nevamwewo, vane nyaya dzavanotsvaga dzakawanda. Sitendi yatinogara ndeya Portia kwete yaSekuru Zawe sezvinofungwa nevana ivava,” vanodaro.

Vanorambawo dzimwe nyaya dzavanoti vari kupomerwa nevana vemurume wavo.

Sarah Jongwe (18), anova mwana waPortia, uyo pakashanyirwa kuDomboshava neKwayedza akamboedza kuramba nyaya yekuti mutumbi wakapinzwa nekuburitswa mumba nepahwindo. Vavakidzani vemhuri iyi, avo vanosanganisira Caroline Musoni (22) naNetsai Mutonhodzi (32), havana kuda kutaura zvakawanda pavakabvunzwa nezvenyaya iyi.

Mumiriri waMambo Chinhamora – avo vakangoti vanonzi VaNyathi – vanoti vanoda nguva yekuongorora mafambiro akaita nyaya iyi.

“Tsika dzakadaro muno matiri muVashawasha hakuna zvakadaro,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey