Chivaviro opemberera bhavhadhe

10 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Chivaviro opemberera bhavhadhe

Kwayedza

Malven Mugadzikwa —
MUIMBI ane mukurumbira munziyo dzechitendero — Reverend Togarepi Chivaviro — vanoti vanoda kutenda zvikuru vatsigiri vavo avo vakaita kuti mhemberero dzezuva rekuzvarwa kwavo nguva pfupi yadarika dzive nemusiyano nemamwe makore.

Rev Chivaviro, avo vakasvitsa makore 42 ekuberekwa musi wa22 Ndira, vanoti rutsigiro rwavakawana runoratidza kuti veruzhinji vari kufarira mhanzi yavo.

“Ndinoda kupa kutenda kwakanyanya kuvatsigiri vangu pamwe chete nevamwewo vaimbi nerutsigiro rwavakaratidza mukupemberera bhavhadhe rangu. Vazhinji vacho vakashingirira kuuya zvisinei nekuti kwainaya kuzonditandadza panguva yekupemberera. Ndinongoti kuvatsigiri vangu garai murimo munyasha. Mhepo yebudiriro ichikuteverai, totizve maranatha (chiuyai Jesu) pamunoswera,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Pakupemberera bhavhadhe rangu, takaita makungano kunzvimbo dzakasiyana-siyana izvo zvakarongwa nevatsigiri vangu. Izvi takazviita kwemavhiki maviri uye zvakarongwa nevatsigiri vaida kupemberera bhavhadhe rangu tiri pamwe chete. Zvanga zvisati zvamboitika muhupenyu hwangu kuti bhavhadhe rangu rinowana rutsigiro rwakadai. Izvi zvakaita kuti ndione kukosheswa nekuremekedzwa kwandinoitwa nevatsigiri,” vanodaro.

Rev Chivaviro vanoti vakatenderera kunzvimbo dzakasiyana dzenyika vachipemberera bhavhadhe ravo.

“Takatanga nekuBulawayo, tikati Harare, Gokwe ndokuzopedzisira neKwekwe. Dzose mhemberero idzi dzakanga dziri mumawoko evatsigiri. Vatsigiri vangu vakaronga mhemberero idzi vakabatanawo nevana vesangano randinopinda reAssemblies of Pentecostal Methodists (APM). Gungano rakaitirwa muHarare ndiro rakava guru iro rakapindwa nevanhu vaidarika mazana mashanu pamwe chete nevaimbi,” vanodaro.

Vamwe vevaimbi vaivepo pamhemberero idzi vanosanganisira Baba Mechanic Manyeruke, Trymore Bande, Jennifer Maneni neVadzidzi Vekutanga Choir.

Rev Chivaviro vakazovhara mhemberero idzi nekuimba dzimwe dzenziyo dzavo dzinoti Handinyarare, Mambo Opinda, Maranatha, Mhepo Inoperekedza naEbenezer.

Muimbi uyu anoti ane dambarefu idzva richaparurirwa kuSouth Africa muna Kurume gore rino kuchizotiwo muZimbabwe richaparurwa muna Kubvumbi iro rine nziyo dzinosanganisira Maranatha.

Share This:

Sponsored Links