Chivayo imhene yangu: Fidza ‘. . . siyanai naye’

22 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
Chivayo imhene  yangu: Fidza ‘. . . siyanai naye’

Kwayedza

MUTUNGAMIRIRI weZimbabwe Football Association, Phillip “Fidza” Chiyangwa, anoti vanhu havafanire kushoropodza “mhene yake” – Wicknell Chivayo – uyo ari kutsigira Zifa nezvikwata zvenyika nemari.

Chiyangwa anoti Chivayo ari kumupa mari yekuti akwanise kufambisa basa renhabvu.

Izvi zvinotevera nyaya dzakabuda munhau nguva yadarika Chivayo achinzi atadza kubhadhara muhoro wemurairidzi wechikwata chenyika chemaWarriors, Callitso Pasuwa, sekuvimbisa kwaakanga aita.

Mushure mekubuda kwenyaya idzi, Chivayo ainge ati haachada kusunungura homwe yake.

Achitaura nevatori venhau muHarare svondo rapera pamusoro pekuwirirana kwake naChivayo, Chiyangwa anoti vanhu havafanirwe kumushoropodza asi kuti ngavatsvage vavowo vatsigiri venhabvu.

“Ini ndakazviwanira mhene yangu iyi inondipa mari kuti ndifambise basa rangu kumaWarriors uye muri kuzviona mega kuti basa range richifamba.

“Wicknell uyu ari apa ane mari yake, imari iyi yamuri kuona uye anondipa ini mari pandinenge ndamuudza kuti ndipe ndifambise basa rangu.

“Imi vamwe mune zvikwambo munoenda kun’anga, kumaporofita vamwe kumasowe kuti muwane kutsvaga mari.

“Pasuwa chaiye anoenda kumasowe, iye zvino ndiko kwaari, atotadza kuuya pano kuti azotora mari yake iyi yabva kuna Wicknell,” anodaro Chiyangwa.

“Wicknell imhene yangu iyi, iwe tsvaga yako inoda kutsigira nhabvu yedu wouya nayo pano tozivisa nyika yese kuti inoda kudira mari muZifa.”

Achitaurawo pamusoro pemashoko akaburitswa munhau ekuti Chivayo akambopika jeri mushure mekunge abatwa nemhosva yehuwori, Chiyangwa anoti: “Chashamisira kuti Wicknell uyu akambogara mujeri chii? Ini wani ndakambogara mujeri ndichipfekedzwa chikabudura ndisina underwear.

“Imi (kureva vatori venhau) hamuna here hama mhondi nevaroyi vakambogara mujeri uye vamwe vari kumajeri izvozvo?”

Chivayo – uyo ainge amboramwa kutsigira maWarriors nemari zvichitevera kushoropodzwa kwaakaitwa munhau – anoti asandura moyo wake uye akazvipira kutsigira chikwata ichi pamwe nechevakadzi chemaMighty Warriors.

Musi uyu Chivayo akabvisa $30 000 yekubhadhara Pasuwa neimwe yemaMighty Warriors.

Chiyangwa akazivisawo kuti maMighty Warriors achatamba

mutambo wehushamwari neNew Zealand mugadziriro dzekuenda kunokwikwidza kumaOlympics ari kuitirwa kuBrazil.

Svondo radarika, maMighty Warriors akaziviswa kuti akaiswa muboka reGroup F iro rine zvikwata zvinoti Germany, Australia, Canada neJapan. Chiyangwa anoti vari muhurukuro zvakare neSouth Africa kuronga mutambo wehushamwari pakati penyika mbiri idzi.

“NeNew Zealand takatopedzerana kare, zvese zvakaita chasara kuti mutambo uyu tironge zuva ratichautamba tozozivisa FIFA.

“South Africa yakaramba pekutanga patakataura nayo asi ticharamba tichiedza kutaura nayo kuti titambe mumwe mutambo wehushamwari,” anodaro Chiyangwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey