Chiwandire osimukira mutsiva

02 Jul, 2015 - 19:07 0 Views
Chiwandire osimukira mutsiva

Kwayedza

Abel Ndooka
MUTAMBI wetsiva wechidzimai ari kusimukira, Kudakwashe Chiwandire (19) anoti ari kutarisira kufamba mumatsimba evamwe vakaita mukurumbira vanoti Diana Makumbe naMonalisa Sibanda. Chiwandire anorwa muboka reAmateur uye parizvino ari kugadzirira kusangana naMakumbe muna Nyamavhuvhu mumutambo uyo achakwiririra kuenda kuboka reProfessional.
Gore radarika, mutambi uyu akahwina menduru mbiri dzegoridhe kumutambo wemaNational Youths Games.
Muhurukuro naChiwandire svondo rino, anoti akakura achitamba nhabvu yemadzimai uye chishuwo chake chaive chekumirira nyika mumitambo yakasiyana.
Zvisinei, anoti akashaya mukana wekutambira chikwata chenhabvu chemadzimai chenyika chemaMighty Warriors izvo zvakazomutuma kuti atange kutamba tsiva.
Chiwandire anoti murume wake, uyo anove shasha mumutambo wekarate, ndiye akazomukurudzira kuti atange kutamba tsiva.
“Ndaitamba nhabvu kare ndiine chishuwo chekumirira nyika yangu mumitambo yakasiyana asi mikana iyi yakaramba kuuya izvo zvakazondituma kuti nditange kutamba tsiva ndakurudzirwa nemurume wangu.
“Mitambo yangu miviri yekutanga ndakahwina menduru mbiri dzegoridhe iye zvino ndave kutarisira kukwikwidzana nevatambi vepamusoro vemuno pamwe nevekunze,” akadaro.
Chiwandire ari kudzidziswa tsiva naClyde Musonda uyo anove puromota wesangano reDelta Force Boxing Promotions.
Muna Nyamavhuvhu acharwa naMakumbe uye achingopedza mutambo uyu achatanga gadziriro dzake kuti azosangane naDuduzile Kamkwamba wekuMalawi mumutambo weKnock Out Malaria Malawi uyo uchatambirwa kuMalawi.
Zvakadaro, Musonda anoti ari kushanda zvakasimba mukuvandudza matarenda evatambi vetsiva vechidiki vari kusimukira vakaita saChiwandire.
“Kuda ane tarenda rinodadisa chaizvo, rinofadza ndiri kushanda naye zvakasimba kuti asimukire mumutambo uyu.
“Vatambi vetsiva varipo vane mukurumbira vave kuita vachipera sezvo vari kukura saka tave kufanirwa kubika vatambi vatsva vemangwana,” akadaro Musonda.

Share This:

Sponsored Links