CUMA yoshuvira Division One

20 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
CUMA yoshuvira Division One

Kwayedza

Abel Ndooka—

MUTAMBI wemaWarriors neBidvest Wits yekuSouth Africa, Cuthbert Malajila, anoti anoshuvira chaizvo kuona chikwata chake cheCUMA Football Academy icho chiri muZifa Division Two B chichikwikwidza muDivision One.

Malajila, uyo parizvino ari kuGabon nemaWarriors kumitambo yeAfrica Cup of Nations (Afcon), akabatana nemumwe muzvinabhizimisi wekuKadoma anonzi Hubert Manyowa kuvamba chikwata cheCUMA Football Academy.

Mwaka wadarika, CUMA Football Academy yakapotsa nepadiki kupinda muDivision One.

Yakapedza iri pechitatu palog kumashure kweMakwiro neBlue Jets.

Malajila anoti mwaka uno chishuvo chavo kubudirira kupinda muDisivion One.

“Chishuvo changu kuona chikwata chedu chichipinda muDivision one mwaka unotevera,” anodaro Malajila.

Anoenderera mberi achiti, “Tiri kushanda nesimba kuti tibate basa nekuti chikwata chedu chine vatambi vechidiki vane tarenda vari kusimuka avo tinoda kuona vachikwikwidza nhabvu yepamusoro.

“Kupinda muZifa Division One kuchazarura mikana yakawanda kuchikwata chedu pamwe nevatambi vedu,” anodaro Malajila.

 

Share This:

Sponsored Links