Dambudziko remagetsi rokanganisa gorosi

15 Sep, 2017 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
SANGANO rinomirira varimi reZimbabwe Farmers’ Union rinoti riri kushushikana zvikuru pamusoro pedambudziko rekudzimwa-dzimwa kwemagetsi sezvo izvi zviri kukanganisa zvirongwa zvemadiridziro egorosi remuchando uye zvinogona zvakare kuderedza goho rechirimwa ichi.

Mashoko aya akataurwa nemutungamiriri weZFU VaAbdul Nyathi vachiti varimi vakawanda vakatarisana nedambudziko rekudzimwa kwemagetsi.

“Gorosi remuchando riri kukura zvakanaka uye zvirimwa zvizhinji zvave kutobereka zvisinei nekuti vamwe varimi vakanonoka kudyara. Tiri kutarisira kuti vamwe varimi vanogona kutanga kukohwa gorosi ravo mukupera kwemwedzi waGumiguru,” vanodaro VaNyathi.

Vanoti varimi vari kusangana nematambudziko ekudzimwa-dzimwa kwemagetsi sezvo hekita rimwe chete regorosi richifanira kudiridzirwa mushure memazuva manomwe kwemaawa masere risati ramera uye richizodiridzirwa zvakare kwemazuva gumi nemana kwemaawa masere mushure mekumera kusvika panguva yekukohwa.

“Magetsi ndiro dambudziko guru sezvo chirimwa ichi chinoda madiridziro akanyanya kuti chinge chichibudisa goho guru,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa nadirector wesangano reZimbabwe Commercial Farmers’ Union, VaJeremiah Tevera, vachiti zvakakosha kuti gorosi riwane mvura yakakwana kuitira kuti varimi vabure goho guru.

“Varimi vanofanira kucherechedza minda yavo uye madiridziro kuti vaone kuti hapana here pombi dziri kurasa mvura nekuda kwekutsemuka kana zvimwe zvibingaidzo. Vanofanira zvakare kutarisa twumbuyu kuti hatusi kuparadza chirimwa chavo here nekuti nekuda kwekudziya kuri kuita kunze kune mikana mizhinji yekuwana twumbuyu twemhando yemaAphids,” vanodaro.

VaTevera vanoyambira varimi kuti vangwarirewo shiri dzinodya gorosi pamwe nekutora matanho ekudzivirira sezvo dzichideredza goho zvikuru.

Zimbabwe iri kutarisira kukohwa matani egorosi anosvika 200 000 mwaka uno kana zvichienzaniswa ne60 000 emwaka wapera.

Nyika ino inoda matani egorosi ari pakati pe400 000 ne450 000 pagore kuti ange achikwanirana nezvinodiwa.

Share This:

Sponsored Links