Dambudziko remvura rarura

01 Sep, 2017 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
VARIMI vekuMudzi kuMashonaland East vakatarisana nedambudziko guru rekushaikwa kwemvura izvo zviri kudzosera mabasa avo kumashure sezvo vave kurarama nemvura yemumifuku.

Dunhu reMudzi rinowanikwa muRegion 4 ne5 uko kusinganaye mvura zvakakwana zvinoita kuti nzizi zhinji dzeko dzigare dzisina mvura munguva yechirimo.

Zvakadai, varimi vanogara padyo nerwizi rwaMudzi urwo rwakazara jecha vanoti havana kumwe kwekuwana mvura yavanoshandisa mabasa akasiyana kunze kwekuchera mifuku.

Mai Shibah Kanyongo (35) vanobva mumusha waMafuta kwaMambo Goronga vanoti munzvimbo yavo mune dambudziko guru remvura yekushandisa.

“Mvura yemufuku ndiyo yatinonwa nekudiridzisa uyewo tinonwa pamwe chete nembudzi dzedu, mombe kana madhongi nekuda kwekunetsa kwemvura kuno. Mvura iyoyi inozopera mumwedzi yemuna Gunyana apo kunenge kwava kupisa. Dzimwe nguva mvura yekunaya inozouya muna Mbudzi kana Zvita apo tinenge tisisina mvura yekushandisa pamwe chete nezvipfuyo uyewo zvirimwa zvedu zvinenge zvave kuoma mumapindu,” vanodaro.

Vanoti dzimwe nguva vanombobatwa nezvirwere zvemanyoka nekuda kwemvura yavanoshandisa sezvo ichibva panzvimbo isina kuchengetedzeka.

Mashoko avo anotsinhirwa naMaria Kanyongwe (34), Evidence Round (28) pamwe naMbuya Tabeth Nyambo Mupini (65) vemumusha waSabhuku Tangi vachiti nduramo yavo inobva mumvura yemumifuku umu pamwe chete nezvipfuyo zvavo.

“Chave kutyisa gukuravhu riri kuramba richikura kumahombekombe erwizi urwu achidhirika kuenda kumapindu kwedu zvinoreva kuti tichaguma tisisina pekurima. Vane misha iri padyo vave kutyirawo kudhirika kwemisha yavo mumakore ari kutevera,” vanodaro Mbuya Mupini.

Godfrey Samukange (21) wemumusha waSabhuku Garakata kwaMambo Nyakuchena anoti dambudziko remvura riri kudzosera mabasa ekurima kumashure.

“Tinorima zvikuru kubva muzhizha tozopinda muchirimo apo tinorima nemvura iyi tichitotengesa zvirimwa zvedu tichirarama.

“Asi panopera chirimo kunenge kwave kupisa zvikuru nekudaro mvura yatinenge tichishandisa inobva yaoma. Kudai pawanikwa panovharwa dzimwe dzenzizi idzi toitirwa madhamu kuno towana mvura gore rose,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links