Delta yoshanda nemayunivhesiti

27 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
Delta yoshanda  nemayunivhesiti

Kwayedza

. . . vogadzira mari kubva mumarara

Muchaneta Chimuka —
VADZIDZI vekumayunivhesiti akasiyana emuZimbabwe svondo rapera vakatora mibairo yemari inodarika $2 000 mumakwikwi ekuratidzira zvinhu zvavari kugadzira kubva mumarara emabhodhoro ezvinwiwa zvekambani yeDelta Cor- poration.

Makwikwi aya akaitwa muHarare pasi pechirongwa cheDelta-Boost Ethics Social Responsibility Showcase.

Pazuva iri, vadzidzi vekumayunivhesiti vairatidzira zvinhu zvavanogadzira kubva mumarara se- zvigaro, magaba emaruva, magaba ekuisira zvinyoreso muzvikoro, kugadzirwa kwemagetsi kubva mutsvina nemarara (biogas) uye kubikwa kunoitwa marara emabhodhoro neemapurasitiki achigadziriswa midziyo inokosha.

Achitaura pachiitiko ichi – Tsungai Manyeza, uyo anova corporate affairs manager kuDelta — anoti chirongwa ichi vakachiparura gore rino nechinangwa chekuti vadzidzi vekumayunivhesiti vange vachiratidza hunyanzvi hwavo hwekuchengetedzwa kwemarara ezvinwiwa zvavanogadzira kuDelta.

“Tava nemwedzi misere tichiita zvirongwa zverudzi urwu munharaunda dzakasiyana muZimbabwe. Tinoda kuti veruzhinji vazive kuti marara haangoraswa pose-pose uye nzira kwadzo dzekurasa marara nekuashandisa zvakare mukugadzira zvinhu zvinoita kuti vawane mari. Kune vazhinji vari kurarama upenyu hunodadisa kuburikidza nekugona kushandisa marara,” ano- daro.

Anoti chinangwa chavo ndechekuti nyika ive yakachena zvichifambirana nechirongwa cheSustainable Development Goal number 5,8,11 ne12. Chirongwa ichi — cheBuilding Opportunities on Student Talent (BOOST) — chine chinangwa chekusimudzira zvipo zvemabasa emawoko uye chiri kuitwa nemayunivhesiti 11 munyika ino.

Mamwe emayunivhesiti ari muchirongwa ichi anosanganisira Africa University, Bindura University of Science Education, Catholic Univerisity, Harare Institute of Technology, Midlands State University, National University of Science and Technology, Solusi University, Women’s University in Africa neUniversity of Zimbabwe.

Delta ine chimwe chirongwa zvakare icho chakananga kurwisa nyaya dzekutorwa kwezvinodhaka nevadzidzi vekumayunivhesiti sezvo izvi zvichikanganisa dzidzo yavo nekukonzera kurwisana nekupanana pamuviri pasina ku- rongeka.

Share This:

Sponsored Links