DeMbare, Kepe-kepe muhondo!

14 Apr, 2017 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Abel Ndooka —
KUNOTSVA demo kugosara mupinyu svondo rino apo zvikwata zvinoti Dynamos, CAPS UNITED, Highlanders neFC Platinum zvinenge zvichirwira mukombe weIndependence CUP.

CAPS UNITED vs Dynamos

Uyu mutambo wagara unotarisirwa nevatsigiri venhabvu vazhinji mwaka wega-wega.

Zvikwata zviviri izvi zvchasangana kuNational Sports Stadium nemusi weMugovera.

Gore rino zvakatombosangana zvakare mumutambo weZNA Charity Shield uyo wakaona DeMbare ichikwapaidzwa 3-0.

Zviri pachena kuti murairidzi weDynamos, Llyod Mutasa, ane shungu dzekutsividza kurikitwa kwakaitwa chikwata chake neKepe-kepe nguva yadarika.

Chikwata chichahwina mumutambo uyu chichafambira mberi kupinda mufainari iyo ichazotambwa pazuva rekupembera Zimbabwe kuzvitonga zvizere musi wa18 Kubvumbi.

Highlanders vs FC Platinum

Pakasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo weZNA Charity Shield, Bosso yakahwina 3-0 ndokupinda mufainari iyo yakazokundwa neCAPS UNITED.

Zvakadai, zvimwe zvikwata zvizhinji zvisiri kukwikwidza mumutambo weIndependence Cup zvichatatsurana mumitambo yakasiyana yePSL.

Pamitambo miviri yatambwa nezvikwata zvese kusvika parizvino, Ngezi Platinum Stars ndiyo iri kutungamira zvichitevera kukunda kwayakita Black Rhinos 1-0 kozoti Hwange 3-0.

Mumashure meNgezi Platinum Stars mune FC Platinum iyo yakakwanisa kukunda Dynamos 1-0 kozoti Bantu Rovers 3-2.

Kutungamira kwezvikwata zviviri izvi kunogona kuvhundutsa zvimwe nekuti panotanga mitambo yePSL ndipo panofanirwa kukumbwa zvibodzwa zvese sezvo kumberi uko anenge ave makata.

Asi murairidzi weCAPS UNITED – Lloyd Chitembwe – anoti hazvirevi kuti zvikwata zvinenge zvatungamira ndizvo zvinozotora mukombe.

Chitembwe anoti Kepe-kepe haisi kumbovhunduka nekutungamira kuri kuita zvimwe zvikwata uye chikwata chake chicharambira nemukombe wePSL uyo chakahwinha mwaka wadarika.

“Togarozviona gore negore, kutungamira handiko kuhwina. Isu basa redu ratinofanirwa kubata tinoriziva uye tichabata basa sebasa.

“Hapana chichatitadzisa kuhwina mukombe gore rino. Takahwina gore radarika tikaona kuti zvinofadza sei uye tinoda kuramba tichihwina,” anodaro Chitembwe.

Zvakadai, kutanga musi weChishanu svondo rino zvikwata zvakasiyana zvichange zvichitamba kunhandare dzakasiyana dzenyika.

Musi weChishanu kune mitambo miviri apo pachaona Shabanie Mine ichisangana neBulawayo City kuMaglas Stadium kozoti Tsholotsho ichange iri pamusha paDulivhadzimu apo ichatamba neYadah Stars.

Yadah Stars chimwe chezvikwata zviri kutamba nhabvu inonwisa mvura mwaka uno.

Mumutambo wayo wekutanga muPSL, Yadah yakaita mangange 0-0 neHarare uye svondo radarika yakakunda ZPC Kariba 1-0.

Musi weMugovera, Ngezi Platinum Stars – iyo iri kutungamira palog – ichisangana neHow Mine kunhandare yeBaobab Stadium kuMhondoro.

Chapungu ichisangana neHwange kuAscot Stadium musi uyu zvakare.

Zvikwata zviviri izvi zvose zvine chibodzwa chimwe chete kubva mumitambo yakazvatamba sezvo zvakakundwa mumutambo wekutanga zvikazoita mangange wechipiri.

Musi weMuvhuro, Bantu Rovers ichisangana neTriangle United kuLuveve Stadium.

Bantu Rovers ndiyo yakasenga log iri pasi sezvo yakundwa mitambo miviri yese yayatamba.

Nerimwewo divi, Triangle United yakaita mangange mumitambo miviri – 0-0 neTsholotsho kozoti 2-2 neDeMbare.

Share This:

Sponsored Links