DeMbare yatinyanyira: CAPS

31 Jul, 2014 - 07:07 0 Views
DeMbare yatinyanyira: CAPS

Kwayedza

JOYCE KAPOTA

JOYCE KAPOTA

CHIKWATA cheCAPS United chiri kutsutsumwa zvikuru nekuramba chichirikitwa neDynamos FC  mumitambo yePSL zvichitevera kukundwa kwachakaitwa 2-1 svondo radarika kunhandare yeNational Sports Stadium.
Mumitambo 11 yeligi yatambwa nezvikwata zviviri izvi kubva mugore ra2009, Kepe-kepe yakangokwanisa kuita mangange katatu chete neDeMbare asi kamwe kese yange ichingokwapaidzwa.

Masvondo matatu adarika, zvikwata izvi zvakasangana katatu, kekutanga zvakaita mangange 1-1, kechipiri Kepe-kepe ikarohwa 1-0 uye svondo radarika yakakundwa 2-1 mushure mekunge yambotungamira mumutambo uyu.

Anoona nezvekufambiswa kwemashoko kuCAPS United, Joyce Kapota, anoti makore awandisa Kepe-kepe ichirakashwa neDeMbare muligi uye gore rino vaitarisira zvikuru kuikundawo asi zvaramba.

Anoti mitambo yeDerby (CAPS United apo inosangana neDynamos) inonetsa zvikuru  asi havasi kurasa mbereko nekufirwa.

Kapota anoti vane tariro yekuti DeMbare vachaikundawo nerimwe zuva.

Zvakadaro, anoti svondo radarika chikwata chavo chakatamba nhabvu inodakadza muchikamu chekutanga apo vainge vakatungamira 1-0 asi vatambi vavo vakazodzoka vakaneta muchikamu chechipiri izvo zvakaita kuti vakundwe.

Kunyangwe hazvo achiti nguva yareba vasati vambokunda DeMbare mumitambo yePSL, Kapota anoti chikwata chavo hachisi kuzoremedza vatambi vacho pamwe nekuvafemera mugotsi kuti vahwine, asi vachavapa rutsigiro rwakasimba mumitambo inotevera.

“Kukundwa kunowanikwa munhabvu uye mitambo yederby inonetsa zvikuru.

“Hatizive chinomboitika mumitambo yedu neDeMbare asi makore areba tisati tairova muligi. Hongu takamboikunda muZNA Charity Cup asi muligi chaimo ndimo matiri kuda kuti tinyatsoizvakatsa.

“Ndinoziva kuti tichasangana muChibuku Super Cup umo ndinovimba kuti tichaiumburudza zvakasimba.

“Svondo radarika takatanga zvakanaka uye vatambi vedu vaitamba, asi hameno kuti zvakazoita sei.

“Kubva 2009 tichikundwa, aiwa zvanyanya! Zvichashandukawo uye tinoziva kuti ichasvikawo nguva yedu yatinenge tave kuichemedza DeMbare,” akadaro Kapota.

Vamwe vatsigiri veKepe-kepe svondo radarika vaipomera mhosva murairidzi wechikwata ichi, Taurai Mangwiro, vachiti ndiye akakonzeresa kukundwa kwavo sezvo akabva nekuDeMbare uko kwaakarerwa.

Kapota paakabvunzwa pamusoro penyaya iyi, akati chikwata chavo kana chichigadza murairidzi havambotarise kuti akatambira nhabvu yake kupi asi kuti anogona basa here.

Anoti bhodhi ravo parakagadza Mangwiro pachigaro chinopisa ichi rakazviona kuti anogona basa rake uye aive nemagwaro akakwana.

“Nyaya iyi tinogara tichiinzwa zvikuru kuti sei Mangwiro akagadzwa pachigaro chinopisa tichirega kutora vana vemuKepe-kepe. Isu chatinotarisa magwaro ako chete uye kunogona kwako basa, hazvibatsire kugadza mutambi akambotambira CAPS kare ouya odyisa chikwata tongomusiya zvakadaro. “Murairidzi anohwina ndiye watinoda uye bhodhi parinogara pasi rinotarisa nhoroondo yemurairidzi chete.

“Vatsigiri vedu vari kuita mhirizhonga, vachituka Mangwiro pamwe nekumutema nematambo, izvozvo hatidi kuzviona. Tiri kuzviramba.

“Hatidi mhirizhonga munhabvu tinoda kuti mhuri dziuye kuzofara ndichiona zvikwata zvavo zvichitamba vakasununguka,” akadaro Kapota.

Zvakadaro, maneja weDynamos FC, Richard Chihoro, akati chikwata chavo chakaratidza Kepe-kepe kuti chikuru.
“(Kepe-kepe) Vanotaurisa zvikuru saka isu svondo rino takangovarova muromo iwowo kuti vanyarare.

“Isu tinotaura munhandare chete zvinova zvatakavaratidza svondo radarika,” akadaro Chihoro.

Kunyangwe hazvo achiti zvinofadza chaizvo kana vakakunda CAPS United, anoti zvakakoshawo zvikuru kuti chikwata chavo chitange kufunga nezvemitambo inotevera apo chiri kunanga kuKadoma kunosangana neBlack Rhinos.

Share This:

Sponsored Links