DETEMBA TINZWE

27 Feb, 2015 - 14:02 0 Views

Kwayedza

Makereke 
naAngeline Tariro Shati

Chokwadi makereke ove zvinwiva chaizvo
Ukafunga kuti nhasi ndoda kunwa remubhotoro ndiwe
Ukafunga kuti ndoda rekudururira wega ndiwe
Pose pose pawafamba wongoona pakanzi kereke pano

Toziva zvipi
Afunga kuti anoda kutanga kereke yake ndiye,
Anongoitangawo sematangirwo anoitwa rwendo
Zvomene vanhu tapera kurasika,
Tichi hedhutswa nevahedhutsi

Achiri makereke here mamwe?
Kumwe kwatove kunakidzwa nokutambisa zita remusiki,
Makereke atove nzira yokutsvaga mari.
Angoona tunhamo twake twamumomotera,
Ototi ndinongodzipedza nekutanga kereke.

Vatevereri vacho vanazvoo.
Kwangoita minana ndokwavanopesukira kuenda
Kusada kusarira kwacho kwanyanya.
Pangoita muporofita chete havachabvepo.
Siku nesikati vanenge vari mveya-mveya kuendako

Angeline Tariro Shati ari kuita Upper Sixth paHilbright Science Collge, muHarare.

MAONERO:
Iyi inhetembo inoratidza kuti nyanduri ari kuona, kuverenga nekunzwa zviri kuitika munyika. Kubva kumusoro wenhetembo, wakangonzi “Makereke”, unotongoona nekunzwa kuti munyori ane zvikukutu zvaari kuda kutaura. Vaverengi tinotanga kuzvibvunza kuti, ko makereke aita sei? Ko zvaataurwa ari muzvakawanda kudai, pane chakanaka here chichabuda?
Ndima yekutanga iri kuburitsa kuwanda kwaita makereke, asi achinge awanda kudaro, asiyana-siyana zvakanyanyisa zvekuti haachaita chinhu chimwe chete pakunamata. Izvi zviri kubuda nekushandisa chinwiwa chichimiririra chechi kuri kuita nyanduri.
Anopedzisa ndima nekutaura zvinoratidza dambudziko rekuwandisa kwemachechi ave kutangwa nezvimwewo zvinangwa zvisiri zvaMwari.
Mundima yechipiri nyanduri atsanangura zvakajeka kupusa kwaita kutanga kereke, uko kwaanofananidza nekutanga rwendo.
Asi ndanga ndichitarisira kuti ashandisewo mutauro wenhetembo wakapfuma pane kuti angotaura zvemazuva ose sezvaaita mumitsara inotevera iyi:
“Zvomene vanhu tapera kurasika.
Kumwe kwatove kunakidzwa nokutambisa zita remusiki
Kusada kusarira kwacho kwanyanya.”
Apa ndipo panoda kuti nyanduri azvibvunze kuti hapana here mamwe matauriro anoshandisa fananidzo, micherechedzo kana pfekedzaunhu kuti aburitse pfungwa dzake.
Tikatarisawo zvimwe zvinotarisirwa munhetembo, tinoona kuti nyanduri haana kushandisa zvimiso.
Izvi zvinoita kuti nhetembo inetse kuverenga.
Asi nyangwe zvakadaro, ndafara nemuburitsiro waaita pfungwa yekushandisa kwave kuita vanhu machechi semabhizinesi paati:
“Angoona tunhamo twake twamumomotera,
Ototi ndinongodzipedza nekutanga kereke.”
Chanyanya kundifadza matsananguriro ekuti, “tunhamo,” zvichireva kuti zvimwe zviri kutuma vanhu kutanga chechi twunhu twunoshamisa.
Handizive kuti mhosho dzezviperengo ndedzako here kana kuti ndedzekutaipirwa. Izwi rawanyora uchiti vanazvoo, ranga richifanira kunzi vanazvowo.
Ndafarira mushandisiro wako mutauro unotsanangura zvakanaka. Kunyanya zviito zvinobva panyaudzosingwi zvakaita sekuti:
“ndokwavanopesukira kuenda
mveya-mveya kuendako”
Usanete Angeline, ramba uchinyora.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey