DETEMBA TINZWE

02 Jul, 2015 - 20:07 0 Views

Kwayedza

Nyorai nhetembo pfupi seriri pazasi motumira ku: Nhetembo, Kwayedza Box 396 Harare kana kutumira pa-Email inoti [email protected] kana kuzosiya pamahofisi edu ari paHerald House, muHarare. Musakanganwe zita remunyori, chikoro negwaro rake uye kana zvichiita, titumirei nekamufananidzo (passport size) kemunyori.

NDIYANIKO? naAnnah Mazvimba

Ndiyaniko iyeyu?
Ndiyaniko mwana iyeyu?

Akazvarwa mumaoko aBona.
Mumwedzi unonaya mvura.
Munyika yeZimbabwe yavatema.
Ndiyaniko iyeyu?
Ndiyaniko mwana iyeyu?

Akarwira nyika.
Akasunungura pose,
Paive pakasungwa.
Akadzinganisa mhandu dzose.
Ndiyaniko iyeyu?
Ndianiko mwana iyeyu?

Mativi mana ose anomuda.
Vanomupa rukudzo.
Ruzivo akaparadzira zera rose.
Ivhu akagovera.
Ndianiko iyeyu?
Ndiani mwana iyeyu?

Ropa rakadeuka
Anoshungurudzwa naro.
Haridoki asina kutaura
Nezvawo vapenyu nevakafa.
Ndangariro dzenyika rwiyo kwaari.
Ndianiko iyeyu?
Ndianiko mwana iyeyu?

Akazadzisa zvido zvawo
Vapenyu nevakafa.
Mumwedzi wechina anovapa mafaro vapenyu.
Mune wesere anovarangarira vashakabvu.
Nzvimbo yavo inoremekedzwa vafi.
Ndianiko iyeyu
Ndianiko mwana iyeyu?
Mugabe.

Annah Mazvimba ari muForm 3 paMutoko Central School, kwaMutoko.

MAONERO:
Anna Mazvimba unogona, kwete nekuti wanyora nezvaVaMugabe, asi nekuti nhetembo yako yakarongeka, uye inoratidza kunzwisisa chinonzi nhetembo, pamwe chete nekushandisa zvidavado nezvimiso.
Chidavado chiri kutonga munhetembo yako ndechekushandisa mubvunzo unova watatanga kusangana nawo mumusoro wenhetembo yako uchiti, “Ndiyaniko?” Izvi zvinotokonya pfungwa dzemuverengi. Zvinoita kuti vaverengi vade kuterera, vade kunzwa kuti iyeyu munhu ari kunzi ndiyaniko anyanyoitei chaizvo.
Kana tikachipinda mumutumbi wenhetembo yako, tinochiona zvakajeka hunyanzvi hwako. Kubudikidza nemibvunzo iri kudzokororwa zvakangwara, tinonzwa uchiti, “Ndiyaniko iyeyu?”
Apa uri kupa muverengi shungu dzekuti ade kuziva kuti iyeyu ndiyaniko. Munhu rudzii?
Ndipo paunonyebudza muverengi nekumuudza kuti munhu wauri kutaura nezvake “mwana.”
Uye unotiudza amai vake nemwedzi waakazvarwa, usati wadzokera kunotanga zvakare kubvunza mibvunzo yako yekuti “Ndiyaniko iyeyu?
Ndiyaniko mwana iyeyu?”
Zvazviri kureva ndezvekuti, uri kuti hamusati manzwa nyaya yandiinayo pamusoro pake, handisati ndapedza nekuti kune zvandiri kuda kubhedhenura.
Tinochinzwa zvino wave kupinda mukudonongodza zvinhu zvakaitwa nemwana wauri kutaura nezvake.
Ipapa sanyanduri wave kuchipa vanhu mukana wekuti vaterere iwe uchivaudza kuitira kuti naivowo vagoshamisika naye, vagomupembedza nekumutenda.
Asi hushasha hwako sanyanduri huri pakuti hausi kuda kubva wangoti zvaakaita zvose kamwe chete bvuu. Uri kuita zvishoma nezvishoma uchipa vaverengi vako mukana wekuti vagamuchire nekuzeya zvaunenge wadonongodza.
Nhetembo yako ine zvikamu kana ndima diki dzisiri kumanikidzira kutaura zvakawanda.
Uye kana uchinge wapedza zvauri kuda kutaura, hausi kukanganwa kudzokera kumibvunzo yako yekuti vaverengi vako vave kutoiziva.
Icho chidavado chekudzokorora mibvunzo chiri kuita kuti nhetembo yako iite sekuti rwiyo rwunotoimbika. Izvi zvinobatsira vaverengi kuti vasaikanganwe, uye newewo sanyanduri kuti usarasike dingindira rako.
Wabva watora mukana wekuti nhetembo yako irangaridze nyika pamusoro pemashoko emutungamiri wenyika pamazuva akakosha anenge zuva rerusununguko rwenyika nezuva rekurangarira magamba. Izvi zvaburitswa nechirevo chawati, “Ndangariro dzenyika rwiyo kwaari.”
Kana chinhu chikave rwiyo, zvinoreva kuti chiri pamwoyo uye unogara uchichiimba.
Wazopedzisira nekududzira chirahwe chako uchiudza vaverengi kuti munhu wawanga uchiti ndiyani iyeyu, ndivo mutungamiriri wenyika yedu VaMugabe.
Chinhu chandinongoda kuti uchenjerere ndepekushandisa /wa/ na/va/. Dzimwe nguva wanga uchizvisanganisa. Asi wagona zvako, uye ndinokupa sando dzako shanu!

[email protected]

Share This:

Sponsored Links