DETEMBA TINZWE

09 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Nyorai nhetembo pfupi seriri pazasi motumira ku: Nhetembo, Kwayedza Box 396 Harare kana kutumira pa-Email inoti [email protected] kana kuzosiya pamahofisi edu ari paHerald House, muHarare. Musakanganwe zita remunyori, chikoro negwaro rake uye kana zvichiita, titumirei nekamufananidzo (passport size) kemunyori.

IVHU
Vhu-u ndasvika zvangu,
Ini ivhu!
Muponesi wezvose.
Zvose zvamunoita zvokurima,
Kuumba, kuvaka.
Munoshandisa ini.
Mose vanhu makagara panhongonya,
Yangu.

Vaivako vaiva nenharo neni
Asi vakanda mapfumo pasi.
Munoshandisa simba rangu,
Zvakaipisisa.
Zvirimwa zvenyu zvamunodzvara,
Ndinomeresa, asi imi hamutendi.
Kana mvura yanaya munorima,
Zvirimwa zvenyu muchinditsika.
Saka sei musingapi kutenda.

Veduwe ndibareiwo zvakanaka.
Ndini ndarove mambo wazvose,
Nokuti ndakauya imi vanhu musati,
Mavapo.
Veduwe ndibatei zvakanaka ini ndikubateiwo
Zvakanaka.
Tatenda Alubi anodzidza muGrade 6 Pink paTasimukira Primary School, kuChitungwira.

MAONERO:
Nyanduri wedu svondo rino anonzi Tatenda Alubi, uye ari muGiredhi 6. Zvinofadza zvikuru kana vadiki vari kumagiredhi epasi vachinzwawo kuti vanogona kunyora nhetembo. Tinozvikurudzira izvozvo nekuti rukova ndirwo rwizi rwamangwana.
Nhetembo yaTatenda iri pamusoro pechinhu chatinoziva tese, uye chatinoona nguva dzese.

Asi iye anoda kupfekedza ivhu iri hunhu, obva aita kuti rititaurire iro pachezvaro zvariri kunzwa.
Kutanga nenyaudzosingwi yekuti “Vhu-u” kunovhundutsira, uye kunoratidza kusvika kune mutsindo, kunoratidza kusatya kana kunyara.
Zvino nyaudzosingwi iyoyo yabva yanosunganidzwa nezwi rekuti ivhu, zvichibva zvaburitsa mabvumira akanaka.
Ivhu riri kuzviti muponesi wazvose, asi mienzaniso yekuponesa kunoita ivhu yaita mishoma.

Nyanduri abva angomhanya kunotaura mamwe emabasa evhu.
Tinonzwa ivhu achiti, “Mose vanhu makagara panhongonya, Yangu.”
Ichi chirevo chakadzama chinoreva kuti ivhu ari kuti akatitakura, kana kutidengezera zvekuti kana aneta nesu anogona kutidonhedza kubva panhongonya yake.
Asi nyanduri pane paati:
“Vaivako vaiva nenharo neni
Asi vakanda mapfumo pasi.”

Asi haana chaazotaura chinoita kuti tizive kuti ndevapi ivavo vaive nenharo naye, uye kuti nharo idzi dzaive nharo dzerudzii, zvakarewo nekuti vakazokanda mapfumo pasi zvaita sei. Sakai apa nyanduri anofanira kuti apatambanudze.
Zvakarewo ivhu/nyanduri ari kupa vanhu mhosva yekusatenda kana vanhu vachinge vakohwa.
Asi chisina kujeka ndechekuti vanhu vangatende ivhu nenzira ipi.
Zvotiwo, ivhu ari kupopota kuti vanhu havasi kumubata zvakanaka, asi haape mienzaniso yekuti tinyatsozvionera kuti vanhu havasi kumubata zvakanaka.

Zvisinei, tinotenda zvikuru nekushinga kunyora nhetembo yakadai kwako Tatenda.
Ramba uchinyora nekuti ramangwana rako semunyori ratotanga izvozvi.

[email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey