DETEMBA TINZWE

20 Jan, 2017 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Nyorai nhetembo pfupi seriri pazasi motumira ku: Nhetembo, Kwayedza Box 396 Harare kana kutumira pa-Email inoti [email protected] kana kuzosiya pamahofisi edu ari paHerald House, muHarare. Musakanganwe zita remunyori, chikoro negwaro rake uye kana zvichiita, titumirei nekamufananidzo (passport size) kemunyori.

NGATIGARISANE naNatasha Gwiriri

Hero demo mudenga.

Iyazve, chava chii zvakare!

Ndiko kuti mukoma nomunin’ina kwacho here?

Aiwaka vakomana hazvinzwaro!

Zvinoda kugarisana mukurarama.

 

Musi uya wakafa baba

Makabvisana mazino nokuda kwekapfuma.

Hewo manyada, changova chirimi choga choga.

Ko vanhu vakagara pasi havanganzwisisani here,

Aiwaka vakomana hazvinzwaro!

Zvinoda kugarisana mukurarama.

 

Zuro ndizurozve,

Makange muchapisirana dzimba.

Hanzi adanana nomukadzi wangu,

Chokwadi chokwadi here?

Saka hapana achapfuura nepamana pomumwe?

Ko kunzwisisana panyaya yacho zvaramba here?

Aiwaka vakomana hazvinzwaro!

Zvinoda kugarisana mukurarama.

 

. Natasha Gwiriri ari muForm 4 paMutambara High School, kuChimanimani.

 

MAONERO:

Kuti unzi uri nyanduri hazvireve kungomuka uchiti ndave kumbonyora nhetembo, kwete! Kuti uve nyanduri, unofanira kunge uri munhu anoverenga mabhuku evamwe vanyori kuti uonewo kuti vamwe vari kutaura sei zvinhu zvauri kuda kunyora nezvazvo.

Chinangwa ndechekuona maitiro ari kuita vamwe, kwete kuti uzokopa kana kuba. Kana uri nyanduri unofanira kuve nemaziso anoona zviri kuseri kwezviri kuonekwa nevazhinji. Nzeve dzako dzinonzwa zvisinganzwikwe nevamwe, uye kana mhuno yako inonhuhwidza ichibata hwema sembwa inovhima.

Nyanduri ane basa guru muhupenyu hwevanhu. Nyanduri anopembedza zvakanaka achituka nekuseka hupenzi. Nyanduri anosetsawo vanhu nekuvavaraidza.

Zvakarewo ane basa rekudzora nekusadzora tsvimbo nekuti gudo rabata kumeso! Nyanduri haasikize kana kunyenyeredza, asi anoti dyoo kubaya dede nemukanwa.

Nyanduri haatyiswe kana kutyisidzirwa. Anotamba nemutauro saKhama Billiat ari kutamba bhora.

Uye kufanana nemutambi webhora, nyanduri ane vavariro yekunwisa zvibodzwa zvedzidziso nemazano!

Natasha Gwiriri anonyora nechinangwa chakanaka, chekutsiura, kudzora nekudzidzisa.

Chipo chake chiri mukugona kunyatsopinda muzviitiko zvekuti muverengi anonyatsogutsikana kuti pari kunzi pane bope, panenge pane hondo chaiyo.

Izvi zviri kubuda mukukanuka kwaari kuita kunobva kwayanika hupenyu hwabata vakomana vaari kutsiura nekudzidzisa. Mazwi anoratidza kukosha kwedzidziso yanyanduri anobuda muzviito zvekuitirana zvakaita seizvi: kugarisana, kunzwisisana.

Anoshandisa mazwi aanoramba achidzokorora pakupera kwendima yega yega. Kudzokorora uku kunoratidza kuti ichi ndicho chinhu chiri kusimbiswa nanyanduri:

Aiwaka vakomana hazvinzwaro!

Zvinoda kugarisana mukurarama.

Aya mazwi anoratidza kuti ari kutaurwa nemuyananisi uye ari kutaura nerudo netsitsi zvekuti makakatanwa evakomana ava anopera chete kana vakange vari vanhu vanoteerera uye vanodzidzisika.

Chiri kukosheswa nanyanduri kugarisana, kutaurirana nekunzwanana.

Nyanduri wedu ari kuona zvinhu zviri kumberi kudarika zviri kuonekwa nevakomana vaviri ava.

Ari kuona kuparara kwehukama. Kana hukama hukaparara zvinoreva kuti vana ava vanenge vakundikana muhupenyu.

Saka ndinotenda zvikuru naNatasha, aratidza kuti ane njere nemaziso anoona zvinhu zvakadzama uye ane shungu dzekuvaka kwete kuparadza. Kwandiri, ndiko kuti nyanduri. Zvezvidavado nezvimwe zvinozouya zvazvo kuti zvibatsiridze pfungwa huru dzanyanduri.

 

. [email protected]

 

Share This:

Sponsored Links