DETEMBA TINZWE: RUVENGO

17 Dec, 2014 - 08:12 0 Views

Kwayedza

naTinotenda Zvinzveku

Regai ndikurumei nzeve vabereki.

Idai vana venyu zvakafanana.

Inga ndimi makavabereka wani.

Ko zvomoda kuwarasa vana ava mapindwa nei?

 

Kusarura kwamuri kuita vana kuri kubara ruvengo.

Vanokura vakavengana vana.

Munozogona kupedza ruvengo rwavo here.

Chirwere chakashaya murapi chinogodza.

 

Mwana mwana vabereki.

Anogona kana dofo vadei vose.

Mupfumi kana murombo vadei vose.

Mukasavaenzanisa panove noruvengo pakati pavo.

 

Musade mwana anowana chete.

Ko anoshaya kuda kwakewo here?

Anokuchengetai neasingakuchengetei vadei vose.

Inga ndimi munoti kubereka kunorwadza.

Ko kana kuchirwadza munadarirei vana venyu?

 

Tinotenda Zvinzveku ari muForm 4 paZengeza 4 High School, kuChitungwiza.

 

MAONERO: RUVENGO

Nhetembo yako yapera ndichifunga kuti kuchiine zvimwe zvauchada kutaura, saka yangoita semunhu anga achifamba munzira, akazongoerekana nzira iye yaguma. Asi zvisinei, ipfungwa dzangu nemaonero angu, pari zvino rega titarise zviripo, zvawanyora, kwete zvausina kunyora.

Musoro wenhetembo yako unoti, “Ruvengo” wabuda uchiratidza kuti chokwadi musoro wakakodzera.

Chandifadza munhetembo yako ndechekuti kazhinji vabereki ndivo vanodzidzisa vana, asi iwe wati umbodzidzisawo vabereki. Asi kudzidzisa kwako kwanga kwakanaka chose nekuti wanga uchinongedza hunhu hunowanikwa muvabereki asi huchipesanisa. Hunhu hwawanyora nezvahwo kana muBhaibheri hurimo, hwekuti Isaka aida Esau, asi mukadzi wake Rabheka achida Jakobho. Chinhu ichi chikaita kuti vana vavengane.

Nyangwe zvazvo wakanganwa kuisa chimiso chemubvunzo, ndafara pawabvunza mubvunzo uchiti:

Munozogona kupedza ruvengo rwavo here? Uchibva wanyatsobaya dede nemukanwa pawati, “Chirwere chikashaya murapi chinogodza.” Kureva kuti hausi kungoperera pakunongedza dambudziko, asi uri kutaurawo nezvarinozozvara.

Mashandisiro ako ezvimiso haasi kubatsira muverengi kuti nhetembo yako inyatsomunakidza. Panzvimbo dzawanga uchifanira kushandisa macomma, wanga usingaashandise, asi wanga uchiisa chindaguma (full stop), asi chigumegume chazvo kwave kukanganisa kuverengeka zvakanaka kwenhetembo yako.

Ziva pekushandisa /v/ nepekushandisa /w/. Wati kuwarasa, asi panofanira kunyorwa pachinzi kuvarasa. Uye mimwe mitsara yako haina hudzamu hwenhetembo, unoda kuti udzokere uchizvibvunza kuti hapana here mamwe maburitsiro andingaite pfungwa dzangu nemifananidzo nemicherechedzo, tsumo nemadimikira kuti zvinyatsotapira.

Mienzaniso yako yakanaka chose uchitaura vana vakasiyana: anogona nedofo, ane mari neasina mari. Chiripo ndechekuti uye anogona kuchikoro anogona kufoira pahunhu, rudo netsitsi. Uye ane mari anogona kufunga kuti mari yake ndiyo inogadzirisa zvese zvinonetsa, saka anoona vamwe sevasina chavangamubatsire nacho.

Nhetembo yako inotaura zvakakura kudarika zera rako. Uri mudzidzisi pamwe chete nemuyananisi anofanira kuombererwa mawoko.

 

[email protected]

Share This:

Sponsored Links