DETEMBA TINZWE: SHUNGURUDZO

24 Jul, 2015 - 00:07 0 Views

Kwayedza

naLindsay Heka
Makore maviriamainini vasina mwana,

Vaindibata sezai,

Retatu vakazvara,

Kavo Tonderai kutukwa,

Kuudzwa magaramoyo

Uku kwakava kudya kwangu.

Rimwe zuva zvangu ndichitamba,

Tonderai akandiudza kuti,

Zimai rakafa rokumuka sebere,

Neshungu ndakakaridza mbama,

Vakanditi nhengezu mainini

Vakandirova shamhu nhatu,

Rechina vakanoriti nechepano,

Paziso remwana wavo,

Vakaiti kwetsu mhere vakananga kumwana

Ini ndikati mudzimu waro bonga,

Ndakamhanya ndakananga musango,

Ndinzwe dhidhi ndakapepuka nekutya,

Nokuvhunduka. Ndione ndisekuru,

Mubhamu semunhu wandaiziva,

Handina kutya kana kuvhunduka,

Asi handina kuziva kuti

Sekuru Mubhamu vangandibate

Kundiita mukadzi wavo.

Lindsay Heka ari muGrade 7 paKurai Primary School, kuKambuzuma, muHarare.

MAONERO:

Lindsay unogona zvisingaite, zvekuti ndakuomberera maoko usipo!

Manyorerwo enhetembo yako anobata dingindira guru kwazvo rekushungurudzwa, asi iwe wabva warivirikidza kuti kusangove kushungurudzwa kunoperera pana mainini mai Tonde, asi kubudewo nemukubatwa chibharo.

Nhetembo yako haipedze nguva ichitaura zvinhu zvandinoramba munhetembo dzevana vechikoro zvekutaura zvinhu zvatinogara tichingonzwa. Hushasha hwenhetembo yako hunobuda mukunyora kwako kunoita sekuti uri kutaura nyaya, asi nyaya iyi ichishandisa mazwi mashoma, ndima nemutauro wenhetembo.

Wabva nemuverengi kure, kutangira pakushaya mbereko kwamainini nekukubata kwavaiita sezai.

Chakadzama chawagonesesa kuburitsa kurwadza kunoita kushanduka kwerudo rwamainini panozvarwa mwana wavo Tonde.

Izvi wanyatsozviburitsa kubudikidza nekushandisa chivakashure /ka-/ uchiti “Kavo Tonderai.”

Izvozvi zvega zvinoratidza kusvotwa kwanyanduri nekusemwa kwake, uye nerudo rwabvutwa naTonderai.

Wabva wanyatsoratidza kurwadziwa nekugara uchishungurudzwa pawati, “Kuudzwa magaramoyo kukava kudya kwangu.”

Tinoziva kuti hakuna munhu anorarama asingadye, asi iwe uri kurarama nemagaramoyo.

Wapfuurira mberi nehunyanzvi hwekudetemba kunenge kutaura nyaya uchibva waita sekuti uri kutaura ngano.

Wati, “Rimwe zuva zvangu ndichitamba . . .” Chawave kuburitsa ndechekuti magaramoyo awambotaura mundima yekutanga tave kuanzwa kubva mumuromo maTonderai. Tinoona kuti wagona kuburitsa shungu dzekutukwa nekurova Tonde, asi wabva wazviparira.

Mainini pavari kukuranga, vanobva varovawo mwana wavo zvekuti iwe unobva wawana mukana wekutiza.

Asi ipapa handina kunzwisisa mutsara wako unoti, “rechina vakanoriti nechepano.” Apa sungawirirano yabva yarasika nekuti wanga uchitaura nezveshamhu, kwete bhandi.

Humwe hunyanzvi hwako hwabuda pakuziva kushandisa tsumo nemadimikira, pamwe pacho uchirega kupedzisa, sepawati, “Ini ndikati mudzimu waro bonga.”

Pamwe zvakare pawaburitsa hunyanzvi hunoshamisa ndepawapinza sekuru Mubhamu munyaya.

Wazviita nenzira yakangwara zvekuti hazvisi kunyatsobuda pachena kuti kupepuka kwauri kutaura kunoreva here kuti wakanga uchirota kana kuti kunoreva kungozoerekana sekuru Mubhamu vasvika.

Iyi nhetembo yakadzama kwazvo, uye inoshamisa maburitsiro awaita nyaya iyi nezera rako.

Ndinokushuwira kunyora bvunzo dzako dzeGrade 7 zvakanaka, uye ugopasa Shona ne1.

 [email protected]

Share This:

Sponsored Links