DETEMBA TINZWE: SHURAMATONGO

12 Feb, 2016 - 00:02 0 Views

Kwayedza

naRufaro Chimusasa

Ndiro zita rangu

Ndini shuramatongo

Ndazezesa pasi rose

Vanachiremba vakanda mapfumo pasi neni

Vose vanezivo yekugadzira mishonga

Vashaya mazano neni

Handina tsitsi.

Handisarudzi kana ndouya

Mutsvuku, mutema kana mucheche

Vakuru kana vachena

Vapfumi kana varombo

Zvose ndinokumba nokuti ndiro

Zita rangu shuramatongo.

Paya paya paunenge uchiti ndiri

Kudya nyika rutive

Pfungwa dzako dzisina kugadzikana

Ndipo pandinouya.

Ndonyatso pfunya chisero mauri

Handichakusiyi kusvikira waenda

Kwamabviganebwe

Anoda kuita shamwari neni handirambe

Asi ziva kuti ushamwari hwangu rufu

 . Rufaro Chimusasa anodzidza muGrade 7B paSelborne Routledge Primary School, muHarare.

MAONERO:

Ndinofara kana ndichiona vechidiki vari kupuraimari vari kunyora vachiramba vachiwanda. Zvakanaka izvozvo nekuti ndiko kunobva vanyori veZimbabwe vamangwana.

Rufaro Chimusasa asarudza kunyora nhetembo iri pamusoro pechirwere chinozivikanwa zvikuru cheshuramatongo. Izvi ndizvo zvatinoda kuti vadetembi vedu vagone kudzidzisa nyika kuti izive, ipepuke nekuzvichengetedza.

Zvino topinda munhetembo yaRufaro. Handina kufara nekuratidza kusaziva patave senyika nepasi rese maererano nenyaya dzechirwere cheshuramatongo. Munyori wedu asarudza kushandisa mazwi anotyisa achisiya vanhu vasisina tariro, asi hazvisizvo zviri kuitika neshuramatongo. Shuramatongo yakanga iri shumba yairura kare, asi iko zvino yakabatwa. Kwava nemapiritsi kana mishonga anoraramisa, asi isingarape, vane denda iri.

Apa ndipo pandinoda kuti kana mada kuita vanyori, muzive kuti tsvakurudzo yakakosha kuitira kuti munyore zvinhu zvisingazokuitai varevi venhema. Shuramatongo haichazezesa pasi rose, asi kwavewo nezvimwe zvirwere zvakaita sana Ebola neZika. Shuramatongo haichauraya vanhu sezvayaiita kare, kunze kwekunge uchida kufa nekuti unonyara kunoongororwa ropa rako kuti rakamira sei.

Saka kuti tirambe tichishandisa mazwi ekuti “chazezesa,” “handina tsitsi” kutsanangura shuramatongo tinenge tanyanya. Shuramatongo yangofananawo nezvimwe zvirwere zvinenge BP, shuga, asima.

Saka vana chiremba havana kupererwa zvekukanda mapfumo pasi sezvawanyora, uye vane zivo yekugadzira mishonga vanogona kuti hatina zvedu mushonga wekupedza shuramatongo, asi tine mishonga yekuti irege kuuraya munhu. Saka ipapa kuita tsvakurudzo kunofanira kukubatsira.

Ichokwadi chawataura kuti shuramatongo haisarudze vainobata kana yave kuuya. Asi tiudzewo sevaverengi kubata kwayo nekuti kuri pakasiyana-siyana. Kune vamwe vanozvarwa vainayo, vasingaite yekusarudza, kune vamwe vanobatwa chibharo nezvimwe zvakadaro. Saka ndiri kuti iwe sanyanduri tamabanudza pfungwa dzako.

Kana wanyora nhetembo yako, cherechedza kuti zviperengo nemazwi anofanira kubatana kana kupatsanurwa aitirwa zvaanoda. Semuenzaniso:

Ndinonyatso pfunya inofanira kunyorwa ichinzi ndinonyatsopfunya

Kwamapfiganebwe inofanira kunyorwa ichinzi kwamupfiganebwe

Pasina izvi, ndinodada neshungu dzako Rufaro. Ramba uchinyora.

. [email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>