DETEMBA TINZWE: Wangu baba

28 Nov, 2014 - 09:11 0 Views

Kwayedza

naNigel Munashe Gomwe

Vana baba tinyareiwo tichiri

Vana vadiki.

Kuti pfimba muchishandisa mari!

Kuti pfimba muchishandisa motokari!

Isuwo nekuda zvinhu kunge

Tswanda toonekwa tichiwira.

Chokwadi mari muenzi inouya ichienda,

Apo inoenda unenge vave nemwana

Nhamo yochikurowa padumbu nekumusana.

Chokwadi vana baba musashandisa

Masimba emari nezvinhu, tinyareiwo

Tikurewo zvakanaka, tine hupenyu

Hwakanaka chaizvo mberi, musatikanganise

Tisiyeyi tikure zvakanaka,

Tigovakawo misha yedu.

Mungazvidawo here mwanasikana wenyu

Akaitwa saizvozvo nemadhara echikuru,

Mungazvidawo here mwana wenyu akabviswa

Humhandara ndokupiwa nhumbu,

Chokwadi regai vana vaenderere mberi nechikoro,

Regai vana vavake ramangwana rawo,

Monzwirawo vabereki vakaitawo

Semi tsitsi, mari dzechikoro dzavari kubhadhara,

Vachitadza kurara vachifunga kuti vana vavo,

Vagoita zvakanaka.

Nigel Munashe Gomwe ari muForm 4 paSchool Made Easy, Zengeza 5 kuChitungwiza.

MAONERO:

Nigel ndafarira nhetembo yako nekuti haisi kurova imbwa yakaviga mupinyi. Apa waita chaizvo zvinofanira kuitwa nananyanduri zvekuyambira, kutsiura, kufumura nekudzora. Asi chinoshamisa ndechekuti zvave kutora vana vadiki kuti varaire vanhu vakuru kuti varatidze hunhu hwakanaka. Vanhu vakuru ndivo vane basa rekuraira.

Nhetembo yako iri kutaura chinhu chakakosha – mari. Mari inogona kushandiswa kutenga rudo rwevana vadiki, asi kushandisa mari kwakadai kunoratidza kuti simba remari rinoparadza vasina mari yacho. Wati iwe, “Isuwo nekuda zvinhu kunge tswanda toonekwa tichiwira.” Tswana inowira here, kana kuti zvinhu ndizvo zvinowira mutswanda? Gadziririsa ipapo.

Ndafara kuti mundima yechipiri uri kuronda pfungwa yawataura mundima yekutanga kuti varume vakuru vanopfimba vana vachishandisa mari nedzimotokari, asi kana mwana akabvuma izvozvo, ngaazive kuti mari inopera, iye osara ave nemwana. Wagona kushandisa mutauro unonyatsoburitsa kurwadza kwenhamo inozoonekwa nemwana anenge apihwa nhumbu pawati, “Nhamo yochikurova padumbu nekumusana.” Ndagadzirisa “kurowa” ndikati “kurova.” Wabva wazongosiya mutauro wakapfuma wenhetembo ukatanga kushandisa mutauro wemazuva ese usingaratidze humhizha pawanga wave kuti:

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey