Kwayedza
naClement Mutimwii
Ndaisimboswera ndakaruma bhonzo nemadzikirira
Nhunzi dzichitambira parwizi rwerute rwangu
Hope ndichitorota nechirungu zvangu
Kudya kuri fararira
Kusvinura husiku akanga atori mazvokuda
Asika zvinhu zvinoshanduka hamawe-e.
Vashandi vaive vapfumbamwe
Vekutuma vari sarura ude
Asi nhasi zvondotumwa ndirini nhai
Ndaisimbokumbidza asi nhasi ndini ndokumbidzwa
Husimbe hwakauraya hwangu hupenyu
Nhasi ndodya nhoko dzezvironda
Zvandikaka ndivete, zvikandidhonzera kwakasviba
Angu mavara azara jecha
Nokuti ndakatadza kuronga nheyo dzehupenyu achiri masikati
Ndabudiswa mudariro rehupenyu pachokwadi
Mugango ndapinzwa, sedemba ziso ndakavhura
Ndoyuwira seishwa yakandwa iri mhenyu.
Clement Mutimwii ari muForm 5 Sciences paPumula High School, kuBulawayo.
MAONERO:
Nhetembo yakanyorwa zvine hunyanzvi iyi. Munyori ari kunyatsopinda muninga dzemutauro achinoburitsa zvishamiso. Iyi inhetembo iri kuburitsa kushanduka kunoita hupenyu nenzira inotyisa, kubva pakutambarara serunyemba kusvika munhu ave paye pekukuya nyemba nemusana.
Munyori aratidza hunyanzvi hwekubika gapu renhetembo.
Nyangwe zvangu ndanzwisisa zvaari kuda kutaura, “kuruma bhonzo nemadzikirira” kunenge kusiri kunyatsoburitsa rugare sezvaanga achida.
Chikonzero madzikirira hakusi kurara kune runyararo nerugare. Madzikirira anotyisa, uye anotambudza. Saka kuswera munhu akaruma bhonzo nemadzikirira kutambudzika, nyangwe iko “kuungana kwenhunzi parwizi rwerute” hakuratidze rugare, nekuti nhunzi dzinounganira tsvina, uye dzinotambudza vanhu.
Saka nyangwe zvake aratidza hunyanzvi hukuru pakunyatsoburitsa mutauro wemandorokwati, zvaanga achireva zvanga zvave kurasika nekuda kwekutamba nemutauro.
Shanduko inorwadza iri kuburitswa munhetembo iyi inoenderera mberi kuratidzwa mundima yechipiri. Rugare rwake rwuri kunyatsoburitswa kubudikidza nevashandi vakawanda, asi nyanduri oti nhasi ndiye ave kutumwa. Kubva pavashandi vapfumbamwe achisara ave ndiye ave kutumwa, pari kuratidza kuwira pasi kweshoroma.
Mundima yetatu, nyanduri aratidza hunyanzvi hwekuronda nyaya nepfungwa munhetembo. Izvi azviita nekutaurira vaverengi kuti chakakonzera nhamo yaave nayo iyi husimbe. Tinoona kuti nyaya yaambotaura mundima yekutanga yekuda kurara kusvika ave kurota hope nechirungu, ndiyo yamuparira kuti ave rombe. Saka nyanduri ari kudzidzisa kuipa kwenungo neshoko ratinosinzwa nguva nenguva rekuti hope hadzina ndima.
Ndima yekupedzisira inopeta kukungura kwemunhu ari kuchema uyu nekubata kadimbu ketsumo inoti dindingwe rinonaka richakweva rimwe, asi kana iro rokwevewa roti mavara azara ivhu. Ichokwadi, paakanga ane simba akanga achiita zvinorova, asi iko zvino zvamushatira.
Ndinofarira kushandisa kwake mazwi anonyatsojekesa pfungwa dzake seanoti, “mudariro rehupenyu,” “mugango ndapinzwa” zvinonyatsoburitsa kutambura kwake.
Saka izwi rekutambura riri kunyatsobuda zvakanaka, uye musoro wenhetembo yake wekuti “zvakandiwana ndivete” wabva wabuda zvinonwisa mvura.
Nyanduri ane ramangwana rakajeka.