DETEMBA TINZWE: ZVAKANDIWANA NDIVETE

28 Aug, 2015 - 00:08 0 Views

Kwayedza

 naClement Mutimwii

Ndaisimboswera ndakaruma bhonzo nemadzikirira

Nhunzi dzichitambira parwizi rwerute rwangu

Hope ndichitorota nechirungu zvangu

Kudya kuri fararira

Kusvinura husiku akanga atori mazvokuda

Asika zvinhu zvinoshanduka hamawe-e.

Vashandi vaive vapfumbamwe

Vekutuma vari sarura ude

Asi nhasi zvondotumwa ndirini nhai

Ndaisimbokumbidza asi nhasi ndini ndokumbidzwa

Husimbe hwakauraya hwangu hupenyu

Nhasi ndodya nhoko dzezvironda

Zvandikaka ndivete, zvikandidhonzera kwakasviba

Angu mavara azara jecha

Nokuti ndakatadza kuronga nheyo dzehupenyu achiri masikati

Ndabudiswa mudariro rehupenyu pachokwadi

Mugango ndapinzwa, sedemba ziso ndakavhura

Ndoyuwira seishwa yakandwa iri mhenyu.

 Clement Mutimwii ari muForm 5 Sciences paPumula High School, kuBulawayo.

MAONERO:

Nhetembo yakanyorwa zvine hunyanzvi iyi. Munyori ari kunyatsopinda muninga dzemutauro achinoburitsa zvishamiso. Iyi inhetembo iri kuburitsa kushanduka kunoita hupenyu nenzira inotyisa, kubva pakutambarara serunyemba kusvika munhu ave paye pekukuya nyemba nemusana.

Munyori aratidza hunyanzvi hwekubika gapu renhetembo.

Nyangwe zvangu ndanzwisisa zvaari kuda kutaura, “kuruma bhonzo nemadzikirira” kunenge kusiri kunyatsoburitsa rugare sezvaanga achida.

Chikonzero madzikirira hakusi kurara kune runyararo nerugare. Madzikirira anotyisa, uye anotambudza. Saka kuswera munhu akaruma bhonzo nemadzikirira kutambudzika, nyangwe iko “kuungana kwenhunzi parwizi rwerute” hakuratidze rugare, nekuti nhunzi dzinounganira tsvina, uye dzinotambudza vanhu.

Saka nyangwe zvake aratidza hunyanzvi hukuru pakunyatsoburitsa mutauro wemandorokwati, zvaanga achireva zvanga zvave kurasika nekuda kwekutamba nemutauro.

Shanduko inorwadza iri kuburitswa munhetembo iyi inoenderera mberi kuratidzwa mundima yechipiri. Rugare rwake rwuri kunyatsoburitswa kubudikidza nevashandi vakawanda, asi nyanduri oti nhasi ndiye ave kutumwa. Kubva pavashandi vapfumbamwe achisara ave ndiye ave kutumwa, pari kuratidza kuwira pasi kweshoroma.

Mundima yetatu, nyanduri aratidza hunyanzvi hwekuronda nyaya nepfungwa munhetembo. Izvi azviita nekutaurira vaverengi kuti chakakonzera nhamo yaave nayo iyi husimbe. Tinoona kuti nyaya yaambotaura mundima yekutanga yekuda kurara kusvika ave kurota hope nechirungu, ndiyo yamuparira kuti ave rombe. Saka nyanduri ari kudzidzisa kuipa kwenungo neshoko ratinosinzwa nguva nenguva rekuti hope hadzina ndima.

Ndima yekupedzisira inopeta kukungura kwemunhu ari kuchema uyu nekubata kadimbu ketsumo inoti dindingwe rinonaka richakweva rimwe, asi kana iro rokwevewa roti mavara azara ivhu. Ichokwadi, paakanga ane simba akanga achiita zvinorova, asi iko zvino zvamushatira.

Ndinofarira kushandisa kwake mazwi anonyatsojekesa pfungwa dzake seanoti, “mudariro rehupenyu,” “mugango ndapinzwa” zvinonyatsoburitsa kutambura kwake.

Saka izwi rekutambura riri kunyatsobuda zvakanaka, uye musoro wenhetembo yake wekuti “zvakandiwana ndivete” wabva wabuda zvinonwisa mvura.

Nyanduri ane ramangwana rakajeka.

 [email protected]

Share This:

Sponsored Links