Uncategorized

Dhakabhoyi oti $10 inokwana

18 Dec, 2014 - 08:12 0 Views
Dhakabhoyi  oti $10 inokwana

Kwayedza

Orpah Mukotekwa
VANHU vaiva muHarare Civil Court vakaita kunge vachatyoka mbabvu nekuseka mushure mekunge mumwe murume ati $10 yaive yakawandisa kuriritira mwana wake kwemwedzi wose.

Nokhuthula Murimoga ainge amhan’arira aimbova murume wake, Bonface Mashame, kudare iri achida mari yekuchengeta mwana wavo.

“Changamire wangu, $10 imari yakawanda chose kuriritira mwana mumwe chete. Mwana hapana zvinhu zvizhinji zvaanodya, kazhinji kacho anenge achiyamwa mukaka wamai vake. Handione riri dambudziko kuti amai ava ndivape mari iyoyo sezvo ndiri kuona ichikwana.

“Dambudziko guru riri pandiri nderekuti handinyatsoshanda basa svinu. Ndiri dhakabhoyi anotomirirawo kudaidzwa kana paine panenge paita basa. Izvo zvekuti ndinovaka manyepo chete. Ndinotodawo kuvaka asi handisati ndava kugona, ndiri mushishi kutoti dai ndawanawo munhu angandidzidzise kuti ndigonewo kuvaka. Ndinofunga zvikadaro mhuri yangu ndingakwanise kuzoichengeta,” akadaro Mashame.

Akaenderera mberi achiti ane imwe mhuri inoda kuchengetwa.

“Kumusha ndine vabereki vari kurwara vanoda mari dzemishonga uye chikafu. Kunowo kwandiri kugara ndinoda mari yekubhadhara rendi nechikafu. Handingauye pamberi pedare kusvikotaura mari yandisingakwanise kuwana naizvozvo ndinoona kuti $10 iyoyo inoenderana nemukadzi iyeyu nemwana wake,” akadaro.

Achipawo divi rake, Murimoga akati:

“Ishe wangu, $10 haisi mari yekuti inokwana kuchengeta mwana. Chiiko chandingatengere mwana nekamari kashoma-shoma kakadaro? Mwana anoda bota, sipo yekuwachisa neyekugezesa. Handingati sipo yandinowachisa ndiyo yandinogezesa mwana. Dai zvaibvira dare raindibvumidza kuti baba ava vanditsanangurire kuti kamari ikaka ndinozokatengesa chii.

“Kutoshinga murume mukuru kutaura mashoko akawora kudaro? Chinondishamisa ndechekuti baba ava vakazonoroora futi mumwe mukadzi kutaura kuti mari vanayo nekuti dai vasina havaimboita dambe nekungoshandisa vana vevamwe zvakadaro.

“Baba ava zvamunovaona munhu ane mukurumbira wekuvaka achiwana mazimari akawanda chose. Ndiri kutoshamiswa kuvanzwa vachinyepera dare kuti vanotoitawo zvehudhakabhoyi, hazvisirizvo kwatinogara ndinoziva imba hobho dzavakavakaivo. Dambudziko riri pavari nderekuti vakanyanya kuomera, havagoni kupa munhu mari. Ini chandinongoda chete kuti ndipihwe $100.”

Mutongi Tafadzwa Muvhami akati nyaya yevaviri ava yaizodzoka zvakare mudare apo Murimoga anofanira kuuya neumboo hunoratidza kuti Mashame anoita basa rekuvaka.

Share This:

Sponsored Links