‘Dhibhura’ akabura dambarefu

14 Nov, 2014 - 00:11 0 Views
‘Dhibhura’ akabura dambarefu

Kwayedza

MUIMBI ari kusimukira mumusambo wenziyo dzechitendero uyewo achiita zvemitambo yemadhirama, Clifford ‘Dhibhura’ Makonese, akabura dambarefu idzva rinonzi Ndaipei iro rine dziyo nhanhatu.

Dhibhura anoimba nechikwata cheMweya Mutsvene Choral Group achiita zvemitambo zvakare neboka reZvido Zvevanhu Theatre Group.

Dambarefu idzva iri, rinova rechipiri kubva paakatanga kuimba mugore ra2001, akabatsirwa kuriburitsa naShame ‘Chibage’ Mashonganyika uyo aimboimba nechikwata cheMuddy Face chaitungamirirwa nemushakabvu Cephas Mashakada.

Dambarefu rekutanga raDhibhura rinonzi Zambuko ndiJesu iro rine nziyo nhanhatu zvakare.

Nziyo dziri padambarefu idzva iri dzinosanganisira nhangaruvanze inonzi Ndaipei, Musandisiye, Mari yanetsa, Ndoparara nedzimwe mbiri dzinongova nemarimba chete.

Muimbi uyu anotiwo anobatsirwa nemamwe mazano nemukoma wake anova muimbi zvakare, Steven Makonese.

Dhibhura anoti akatanga zvemadhirama ari kuchikoro apo aive nemakore 17 okuberekwa ndokuzotsikisa mitambo yake mugore ra1999. Mimwe mitambo yavaburitsa kusvika parizvino inosanganisira Spencer Mukono, Spaga Hapana naBongozozo.

Chikwata ichi chakatsikisa dambarefu idzva iri neCorner Studios.

Chibage anoti hukama hwake naDhibhura hwakabvira kare apo vaiva tsika nditsikewo naMashakada.

Vanoti vari kuronga kuita mashoo vose munguva pfupi iri kutevera.

Chibage anotiwo akamutsiridza chikwata chavo cheThe Original Muddy Face achishanda nevana vaMashakada vanoti Mirriam naMemory Mashakada.

“Zvisinei nekushanda kwangu naDhibhura, ini nevana vaMashakada tiri kushanda tose tine dambarefu zvakare ratakanyora iro takatarisira kuburitsa izvozvi,” akadaro Mashonganyika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey