Uncategorized

Dhimoni rekuroya tugu . . . ‘gogo vanonwa ropa revanhu’

31 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
Dhimoni rekuroya tugu . . . ‘gogo vanonwa ropa revanhu’

Kwayedza

‘Tine mapere 6 -Nyoka 5 -Mazizi 5 -Bonga 1’
Liberty Dube naNgoni Dapira

YAKAVE batai-batai mumusha weSakubva, kwaMutare, nemusi weMuvhuro svondo rapera apo veruzhinji vakamhanyidzana kunoona kamwe kasikana kane makore 14 okuberekwa ako kakange kasvikirwa neshave kana kuti dhimoni rehuroyi ndokutanga kushita pamwe nekufamba kachizvonyongoka senyoka apo kaiva pamba pemumwe muporofita.

Musikana uyu akati ambuya vake vanogara kuChipinge vane danga remapere 6, nyoka 5, mazizi 5 nebonga rimwe chete izvo vanoshandisa kuroya.

Veruzhinji vakashamisika apo kasikana aka kakatanga kushita kachigwesha nedumbu senyoka nemutsvina dzemasuweji kakananga pamasowe aMadzibaba Skynage Marwakuona.

Maziso ake, ayo aityisa kutarisa, aitenderera senyimo dziri mugango, ndokubva atanga kusvipa mate aive neruvara rwe”green” ayo akanzi naMadzibaba Skynage muchetura.

Musikana uyu, uyo airaridza kuti aiva nechadzimira panguva iyi, akati zita rake anonzi Mbuya Mutonono vanogara kuChipinge.
Akati vanoshandisa nyoka nemapere kuuraya vana vacheche vekwavanogara pamwe nevamwe vehukama vozonwa ropa ravo.

“Ndine mapere akawanda, anenge 6, ndine nyoka dzinenge 5 dzandinoroya nadzo usiku. Ndinodya vana. Ndine mazizi 5, ndiri pamba pangu izvezvi.

“Takauraya vanhu vakawanda, vamwe vacho taidya. Getty takamudya ari mupenyu. Nyama inonaka kani! Mune simba zvikuru madzibaba.
“Ndine mbiya dziri muhozi dzine ropa revana. Endai muhozi mangu kani, musandibata. Musanditarisa kani!” akadaro musikana uyu achiumburuka muvhu.

Musikana uyu akati Mbuya Mutonono vakarasa zvimwe zvinhu zvavo zvavanoshandisa mukuroya mushure mekunge vaona vamwe varume vaviri vaive vakuru kwazvo vakapfeka nguwo chena nendebvu refu vachivaudza kuti vazvirase.
Mubasa ravo vakanzi vanoshanda nemumwe akangozivikanwa saChipo.

Pasina nguva refu, shave raChipo rekuroya rakabva rabuda pahanzvadzi yemusikana uyu richiti kunzvimbo kwaraive kwaipisa zvikuru uye rakademba kuna Madzibaba Skynage richiti variregererewo sezvo rakange ragura kuita mabasa ehuroyi.
Murume aive abatwa neshavi uyu akabva atanga kutamba zvisingadzoreke ndokuzozvikanda pasi.

Kuchenurwa kwaiitwa vaviri ava, uko kwaiitwa pajekerere, kwakakwezva vanhu vakawanda pasowe iri avo vaida kuona zvaiitika.
Musikana nehanzvadzi yake ava, avo vanogara kuChikanga, kwekare kwaMutare, vakazodzikama mushure mechinguva ndokuita hurukuro nevatori venhau vedu veThe Weekender (The Manica Post), vose vakati vakange vasingazive zvakange zvichiitika kwavari.

Zvisinei, vakabvuma kuti mumhuri mavo munongofiwa zvisinganzwisisike zvichitevera rufa rwababa vavo nevamwe vehukama.
Vakabvuma zvakare kuti vanaambuya vanonzi Mutonono vanogara kuChipinge.

Madzibaba Skynage, avo vanopinda chechi yeJohane Masowe WeChishanu Wenguwo Chena, vanoti kunyangwe zvavo vakange vasingazive Mbuya Mutonono, vanogona kunge vachiita mabasa ehuroyi vachishandisa vaviri ava, asi ivo vasina ruzivo nazvo.

“Zvinosuwisa zvikuru kuti vana vaviri ava havazvizive kuti vari kushandiswa naMbuya Mutonono mukuroya. Zvataita pano zvinoreva kuti vaviri ava vasunungurwa kubva mukushandiswa mubasa rekuroya nekuti zvafumuka,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey