Dimikira rinoita kuti mutauro upfume

20 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
PANOPFURWA demo kana sanhu rinobva ranzi risiiwe rakapinza kunge nhavhaya kuitira kuti rinyatsopinza paya parinenge rotemeswa.

Demo iroro rikaramba rongotemeswa asi risingarodzwi rinogomara kunge kugotsi kwaro. Kurodzwa kwarinoitwa kunobatsira kuti rigone kuramba richitema zvakanaka.

Ndizvo zvimwe chete nepfungwa dzedu. Dzinoda kuramba dzichirodzwa kuitira kuti dzipinde chikoro chepamusoro dzakapinza.

Chikamu chino tinoda kubva tangosakura nekuzunza iyoyi nyaya yamadimikira. Hatizivei kuti madimikira zvakare anoita kuti mutauro wedu utapire uye upfume.

Kukanzi wanzvengwa nechirimuchanza unenge uchiudzwa kuti wapotsana nezvange zvakanangana newe.

Ndiko kutadza kuwana zvawanga wave pedyo kuwana.

Zvinoreva zvakare kuti kutadza kubudirira iwe wange wave pedyo nekubudirira. Izvi zvinowanzoitika zvikuru nekusachenjerera zvinhu.

Kunyudza musoro muhupfu ndiko kugarika. Munhu anenge ave neupfumi hwakapinda hwaaimbove nahwo.

Anenge owana zvose zvaanenge achimboshuvira. Kune kumwe kutadzirwa kwekuti munhu anotambudzika nekushushikana nemarwadzo.

Marwadzo aya anenge achikonzera kuti munhu arambe achifunga nezvazvo zvichimudzimbira mumwoyo. Kurwadziwa kwakadai kunonzi kun’urwa mwoyo.

Vanhu vakapopotedzana vanozosvika pakunyarara mushure mekunge hasha dzaserera uye vanogona kunge vazonzwisisana. Kunozoitawo vamwe vanouya vachikuchidzira moto kuti nyaya iya isimuke zvakare. Kuita kwakadai kunonzi kumutsa mukonye.

Kuita matenganagudo ndipo paya pekuti vanhu vaviri vanenge vakaita chibvumirano mumwe achaitira mumwe uyo chinhu uyowo achizomuitirawo chimwe chinhu.

Kana ava makara asionani zvoreva kuti paita vanhu vaviri vakavengana zvekuti havakwanise kugarisana.

Hapana anoda kutarisana kana kusangana nemumwe. Vakatorimirana kumuganhu.

Munhu anonzi ari kuruka nhava rutsva rwatsva anenge ari munhu uya anopedza nguva achiita chinhu chakatopfuura nguva yacho kare.

Zvinenge zvichinzi munhu achirega kuita zvinhu zvaange akafanira kuita nguva yacho isati yapfuura.

Vamwe vanhu vanopembedza vanhu vachivanyepera kunge vari kuita zvakanaka kana zvine ungwaru izvo kwete.

Ari kupembedzwa uya obva aita manyawi oendera mberi nezvaari kuita. Ndiko kunonzi kukurudzira benzi kana bofu nemhururu.

Kune vanhu vane chindoendawo. Ndiko kungozvikanda kana kuzviisa pachinzvimbo chisingakodzeri nepamusana pekungoda kutevedzerawo zvinoitwa navamwe.

Ndiko kufananidza nguwo nedzatarubva. Iwe hautozive kuti vanhu vari kuzviitirei wongotevedzera. Unoguma wava muna taisireva.

Kudyira pfini kushandisa zvekudya zvakawanda usina kana hanya yekuti chii chichazoitika kana zvapera izvo zvekudya zvacho.

Vanogona kuita zvinofadza vanhu dzimwe nguva asi vozoita zvinoshatirisa zvakare. Vanhu ivava vanonzi vanodya pavi nepauya. Ndivo ana zipe nhuwe muto wetsimba.

Kana munhu akakubatsira maneka anenge akurwadzisa nekukushatirisa zvikuru. Kubvunza nyama makushe uchiona kutsvaga kutsanangurirwa zvinhu zviri pachena.

Share This:

Sponsored Links