Dingindira rehosha

10 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Dingindira rehosha

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
9. RATIDZA maburitsirwo edingindira rezvirwere navananyanduri vashanu vari muna Mutakunanzva Wenhetembo. Ita izvi uchishandisa nhetembo imwe chete pana nyanduri wega wega wawasarudza. [25]

Nhetembo dzacho dzinosanganisa; Gomarara naLiveson Tatira, Ndadyiwa rutivi naNorlan Makwarimba, Ndokuudzai seiko? naTineyi Chipise, Imotai? naPrimrose Nyangoni uye Munondinakira ini Shuramatongo naDavid Major.

Mudetembo raLiveson Tatira rinonzi Gomarara, anoti mazuva ano chirwere chegomarara chave kubata vanhu vemazera akasiyana-siyana sepaanoti, “Nhasi uno gomarara harichina zera, robata pwere nendumure.” Nyanduri anoti chirwere chegomarara chiri kutambudzawo chero vana vadiki sepaanoti, “Ndumure dzichangobva kuyamwa, dzoyamwiwa naro gomarara.”

Detembo repiri rinobva kuna Norlan Makwarimba richinzi Ndadyiwa rutivi. Nyanduri anoti abatwa nechirwere cheshuramatongo sepaanoti, “Wanike chakapedzambudzi chandisiira rumborera.” Nyanduri anoti ari kurwara zvekuti ropa mumuviri make harichanyatsofambi zvakanaka sepaanoti, “Rangu ropa kurinzwa serakatogwamba zvaro kare.”

Nyanduri Tineyi Chipise kubva mudetembo rake rinonzi Ndokuudzai seiko?, anoti ave kushungurudzwa nechirwere chemukondombera sepaanoti, “Utano handichisina, hwakabvutwa nechakapedzambudzi.” Nyanduri uyu anoti akazvitsvagira ega chirwere cheshuramatongo nekuti aive neruchiva sepaanoti, “Mhedziso yacho ndiyoyo nekuti ndaisada kupfuurwa.”

Mudetembo rinonzi Imotai?, nyanduri Primrose Nyangoni anoti chirwere chegomarara chinoda kukasikirwa kuti chirapike sepaanoti, “Vanamazvikokota vakati rinoda richangotanga gomarara.” Nyanduri anoti chirwere chegomarara chikanyanya kukura chinouraya sepaanoti, “Parakazomera muurozvi rakava bongozozo romene, pasina nguva ndiye chisarai.”

Ndasarudza detembo rekugumisira kubva kuna David Major rinonzi Munondinakira ini Shuramatongo, anoburitsa chirwere cheshuramatongo chichiti chinouya nezvirwere zvakawanda kuzoparadza upenyu sepachinoti, “Ndakugarai zvangu madunduru, vanamanyoka, gosoro navanafuruwenza vandinotuma zvangu vozokupedzisai.”

Chirwere cheshuramatongo chinoti chinoparadza chero nevakaroorana vakachata sepaanoti, “Kana musvitsa chaimo ini ndinogugudza!”

10. Kubva munhetembo nhatu dziri muna Mutakunanzva Wenhetembo dzakanyorwa navananyanduri vakasiyana, tsanangura matambudziko mana anosangana nevanhu vari kuenda kunze kwenyika anoburitswa mudetembo rega rega. [25]

Nhetembo idzi dzinosanganisa; Handichakwanisi kudzoka naFrancis Matambirofa, Mafungireiko iwaya? naToyindepi M. Musiyiwa uye Ndiri kuno kunze kwenyika naLiveson Tatira.

Detembo rekutanga ndarisarudza kuna Francis Matambirofa, rinonzi Handichakwanisi kudzoka, anoti vanhu vanogara kunze kwenyika vari kusangana nedambudziko rekufirwa nevabereki vasipo sepaanoti, “. . . kareko ndakatambira rokuti vose, mai nababa kumusha hakuchisina.” Nyanduri anoti vanhu vari kunze kwenyika vanosangana nedambudziko rekurwarirwa vasipo sepaanoti, “Shoko ndakarinzwa rokurwara zvakaipisisa kwambuya VaChihwani.” Nyanduri anoti kunze kwenyika kunoshandwa zvakapfurikidza uye kuchitamburwa sepaanoti, “Kwaive kusaziva nokuti kuno ibasa chete, shamwari yenhamo.”

Detembo rechipiri tinoripiwa naToyindepi M. Musiyiwa richinzi Mafungireiko iwaya?, anoti vanhu vari kuenda kunze kwenyika vari kunoitiswa mabasa asina maturo sepaanoti, “Vanopoya kuenda mhiri kwavanonoita zvavo vanamatanyera.” Nyanduri anoti vanhu vanoenda kunze kwenyika vari kushandiswa zvakapfurikidza pasina zororo sepaanoti, “. . . asi zvino hope havachina, vovatiroshanda sevaroyi.” Nyanduri anoti vanhu vanoenda kune dzimwe nyika vari kupiwa mari shoma yekunze sepaanoti, “. . . vavariro iri iyo pondo yemaBritish.” Nyanduri anoti vanhu vanoenda kunze kwenyika vari kunoitiswa mabasa anosemesa sepaanoti, “Vachiyinamura yakaora hobho tsvina.”

Mudetembo rinonzi Ndiri kuno kunze kwenyika, nyanduri Liveson Tatira anoti ari kupedza simba achisimudzira nyika yevanhu vasingamude sepaanoti, “Dikita rangu roperera pasina ndichivaka nyika yavanondisema.” Nyanduri anoti haana zororo, anenge achingotsvaga upenyu sepaanoti, “Ndinongopambara siku nesikati kuti ndiwane pundutso.” Nyanduri ari kurwadziwa nekugara kunze kwenyika nekuti vana vake havasisina anoriritira sepaanoti, “Mapudzi andakasiya kumusha haachisina anodiridzira.”

Nyanduri anorwadziwa nekuti pfuma yaanotumira ari kunze kwenyika kuti iendese vana vake kuchikoro iri kushandiswa kudzidzisa vana venhume sepaanoti, “Kutuma mari yawo yechikoro yopinza vana vevakangwara.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey