Dombodzvuku: Makore 100 nefundo

01 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
Dombodzvuku: Makore 100 nefundo VaTarisai Somane (kubva kuruboshwe) vaina VaEvidence Murombedzi naVaFidelis Mukubvu

Kwayedza

VaTarisai Somane (kubva kuruboshwe) vaina VaEvidence Murombedzi naVaFidelis Mukubvu

VaTarisai Somane (kubva kuruboshwe) vaina VaEvidence Murombedzi naVaFidelis Mukubvu

Mathew Masinge
CHIKORO cheDombodzvuku Primary School chekwaMurehwa, kuMashonaland East, mwedzi unouya chiri kupemberera kusvitsa kwacho makore 100 kubva chavambwa.

Nemusi wa14 Mbudzi mhemberero huru dzichaitwa pachikoro ichi apo pachaungana zvimwe zvikoro zvakawanda zvemudunhu reMurehwa, vabereki, vakuru vezvedzidzo, vemakambani nevamwe vakambodzidza pachikoro ichi.

VaTarisai Somane, avo vanova sachigaro wesangano reSchool Development Committee, vanoti gadziriro dzemhemberero idzi dzave padanho repamusoro.

“Tiri kufara kuti chikoro chedu chasvitsva makore zana gore rino chinova chiratidzo chekuti tayambuka nekupindana nezvizhinji kubva pachakaparurwa musi wa14 Mbudzi 1915.

“Pamhemberero dzedu dzegore rino tiri kuvimbisa zvikuru zvinosanganisira mitambo, vaimbi vane mukurumbira nekupakurwa kwemashoko ekurudziro kubva kune vanoremekedzeka vakaona chikoro ichi chichisimukira,” vanodaro.

VaSomane vanoti vari kukoka vose vakambove vakuru vechikoro ichi, vaimbove vadzidzisi nevakadzidzapo pazuva iri.

“Mukupemberera makore zana aya, taona zvakakodzera kuti tikokewo vose vakambopfuura nepachikoro chedu. Vanhu ava vanosanganisira vaimbove vakuru vechikoro, vaimbove vadzidzisi nevakadzidza paDombodzvuku Primary School. Tichangewo tiina Mambo Mangwende, avo vanova muridzi wedunhu ratinobva, vakuru vekubazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari nevamwewo vachatitsika”, vanodaro.

Mukuru weDombodzvuku Primary School, VaFidelis Mukubvu, vanoti chikoro chavo chaunza budiriro huru munharaunda yeMurehwa.

“Kuburikidza nekutambidzana chitsvambe nevakambova vakuru wechikoro ichi, mudunhu raMambo Mangwende makava nebudiriro huru kuburikidza nekugadzirwa kwemigwagwa, pekutengesera nekubatsirikana kwenherera dzakawanda zvinova zvaita kuti zita rechikoro ripfumbire,” vanodaro.

“Chatakanyanya kutarisana nacho pamhemberero idzi ndechekutenda vadzidzisi vedu, avo vakazvipira kuuya kuzodzidzisa pachikoro chekumaruwa akaita seMurehwa. Kazhinji vadzidzisi havana anovatarisa kana kuvatenda asi isu tiri kuda kutora mukana uyu kuti tivatende nekupasisa vana vemunharaunda iyi.”

Vanoti chikoro chavo ishasha mumitambo yechinyakare kuburikidza nevadzidzisi varipo.

“Chikoro cheDombodzvuku ndicho chikuru mudistrict rose reMurehwa nekuda kwevana vatinavo vave kusvika 1 300.

“Pavana ivava ndipo pari kubva shasha dzemutambo wechinyakare dzinokunda mudistrict rose, vachikundazve mupurovhinzi yeMashonaland East zvichiburikidza nemhando yevadzidzisi vatinavo vanodadisa,” vanodaro.

Dombodzvuku yagara ndiyo huru yadzo kana pari pamitambo yechinyakare uye ichangobva mukusimudza mumwezve mukombe mwedzi wadarika mumakwikwi akaitirwa paMurehwa Centre.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>