DOMBODZVUKU YAKAPEMBERERA

27 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
DOMBODZVUKU YAKAPEMBERERA VANA vepaDombodzvuku Primary School, kwaMurehwa pazuva rekupemberera kusvitsa kwechikoro chavo makore 100 chavambwa. — Mufananidzo: Memory Mangombe

Kwayedza

KWAKANGE kusingadanwe anonzwa paDombodzvuku Primary School, kwaMurerwa, nemusi weChishanu svondo rapera apo chikoro ichi chakaita mabiko ekupemberera kusvitsa kwacho makore 100 kubva pachakavambwa.

Pagungano iri paive nevanhu vakasiyana vanosanganisira vakadzidza pachikoro ichi, vabereki, vadzidzisi, vana vechikoro nevatungamiriri venharaunda.

Mabiko aya akarongwa neDombodzvuku Old Students Association, chinova chikwata chevakambodzidzapo.

Aiva muenzi mukuru pamabiko aya, mupepeti weKwayedza Patrick Shamba, akapa chikoro ichi kombiyuta akamirira kambani huru pakuburitsa nhau, yeZimpapers.

“SeZimpapers tauya pano kuti tizopemberera pamwe chete nemi kusvitsa makore 100 kweDombodzvuku Primary School kubvira pachakavambwa muna 1915. Takuunzira kombiyuta imwe chete kuti muishandise muzvidzidzo zvechizvino-zvino igobatsira vadzidzisi nevana zvose.

“Tinoda kuti sechikoro mufambirane neruzivo rwechizvino-zvino rweICT. Kuburikidza nemakombuyita, pasi rose rinobatanidzwa kuitwa chinhu chimwe chete, kureva kuti munenge mave kukwanisa kuita mabhizimisi kana kukurukura nevanhu vari kune dzimwe nyika zviri nyore,” akadaro Shamba.

Mukuru wechikoro ichi, VaPhidelis Mukubvu, vakati vanofara zvikuru nekutsigirwa kwavari kuitwa nevaimbove vadzidzi vepachikoro ichi.

“Ndinofara zvikuru nezvaitwa neDombodzvuku Old Students Association nekutsigira chikoro chino. Ruzivo rwechizvino-zvino rwemakombiyuta rwakakosha mukufambiswa kwemashoko pasina kushandisa mari zhinji uye vadzidzi vanowanawo ruzivo rwezviri kuitika kune dzimwe nyika kuburikidza nekushandisa makombiyuta (E-Learning).

“Tange tiine kombiyuta imwe chete saka izvozvi tinofara nekuti ave maviri, kusanganisira yatavigirwa naVaShamba, avo vanovawo chizvarwa chemuno uye vakafunda pano,” vakadaro.

Vanoti chikoro chavo chakavambwa mugore ra1915 nemamishinari avo vaitungamirira nekereke yeAnglican chichidaidzwa kuti St Phillip’s School. Iye zvino chakura zvekuva nesekondari.

VaMukubvu vanoti chikoro ichi chakatarisana nedambudziko rekushomeka kwezvivakwa zvekuti vana vadzidzire.

“Vadzidzi pano vakawanda, nokudaro vamwe vari kupedzisira vave kufundira panze vakagara muvhu. Tinodawo zvivakwa zvinokwana nekuti ndezvimwe zvezvinhu zvinosimudzira dzidzo,” vakadaro VaMukubvu.

Akataura saIshe Magwende, VaTichafa Chibanda Mangwende, vakati chishuwo chavo ndechekuti zvivakwa zvechikoro ichi zvisimudzirwe.

VaElliot Somane, mumwe wevakambodzidza apa, vakabatsirawo vadzidzi vechisikana nezvekushandisa panguva yekutevera uye sipo rinova danho guru rakatendwa neveruzhinji mukusimudzira utano hwemwanasikana. Zvimwe zvacho zvichapihwa vanhukadzi vemunharaunda.

Pachiitiko chimwe chete ichi, vadzidzi veEarly Child Development (ECD) vakapembererawo kupedza zvidzidzo zvavo segadziriro yekuti vazoenda muGrade 1 gore rinouya.

Vamwe vevaive pamhemberero idzi vanosanganisira vemabhisimisi, vane mapurazi munharaunda, vakambodzidza pachikoro ichi semumwe ava mukuru kumabhanga Lawrence Chidembo, Tarisai Somane, Mike naSimbarashe Bota, Andrew Mapako, masabhuku Muzembe, Choto naDombodzvuku nasachigaro weDombodzvuku Old Students Association VaInnocent Kwari.

Mumwe wevakambofundapo, ndokuzodzidzisapo mugore ra1945, VaTigere, vakafara kudzoka pachikoro ichi.

Chikoro cheDombodzvuku chine mukurumbira wekugara chakatora mikombe gore negore kwaMurehwa, kuMashonaland East nenyika yose mune zvemitambo, kunyanya weJerusarema.

Share This:

Sponsored Links