Dopiro reJazz roitwa

31 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Dopiro reJazz roitwa

Kwayedza

Abel Ndooka —
VAIMBI vemisambo yejazz neclassical music vekunyika dzinosanganisira Germany, Turkey, Brazil, England, South Africa, Iran neZimbabwe vachange vachiridza muno mashoo maviri pamwedzi pasi pechirongwa chinonzi Twelve icho chiri kutanga mwedzi uno (Kurume) kusvikira gore rinouya muna Kukadzi.

Mashoo aya ari kurongwa naEren Levendoglu anove shasha yekuridza piano neviolin.

Levendoglu anozivikanwa pasi rose nekuronga dopiro remafaro reGumusluk International Classical Music Festival iro rinoitirwa kuGumusluk Bodrum, kuTurkey.

“Ndakatangisa chirongwa cheGumusluk Festival nechinangwa chekupa vaimbi vemuTurkey mukana wekushanda nekudzidza kubva kuvaimbi vepasi rese vane mukurumbira. Mumakore ataita mutambo uyu, zvaona dunhu reGumusluk richisimuka zvikuru uye mimwe mitambo tiri kugara tichiironga,” anodaro.

Vadzidzi vemhanzi vari kutarisirwa kufunda zvakawanda kubva kuna Levendoglu sezvo rimwe dingindira rake riri rekudzidzisa mhanzi kune vaimbi vari kusimukira.

“Twelve inoda kusvika kune vanhu vakawanda uye tinovimba kuti kuburikidza nayo ichadzidzisa pamwe nekusimudzira vaimbi vakasiyana,” anodaro Levendoglu.

Vaimbi vacharidza pamashoo eTwelve vanosanganisira Levendoglu, Eduardo Crespo (Brazil), Trio Klavis (Austria), Bulent Evcil (Turkey), Jeanette Micklem (Zimbabwe), Oran Ektrin Trio (USA) naDereck Gripper (South Africa).

Vacharidza kunzvimbo dzinosanganisira St John’s College neChapungu Stone Village uye dzimwe nzvimbo dzacho dzichazoziviswa nekufamba kwenguva.

Share This:

Sponsored Links