Uncategorized

Dr Nkomo vakabata basa guru

02 Jul, 2015 - 20:07 0 Views
Dr Nkomo vakabata basa guru

Kwayedza

Munyori weKwayedza
DR Joshua Mqabuko Nyongolo Nkomo, avo vaive mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, vakashaya muHarare musi wa1 Chikunguru 1999.
Vakange vave nemakore 82 okuberekwa uye vakavigwa kumarinda emagamba enyika eNational Heroes Acre musi wa5 Chikunguru 1999.Pakuvigwa kwavo, paive nevanhu vakawanda zvikuru vaisvika 100 000 avo vaisanganisira vatungamiriri vedzimwe nyika. Dr Nkomo vaizikanwa zvakare nemazita ekuti Umdala Wethu, Chibwechitedza naFather Zimbabwe nekuda kwebasa guru ravakabata mukusunungura Zimbabwe kubva kuhutongi hwemabhunu.

Dr Nkomo vakaberekwa musi wa7 Chikumi mugore ra1917 kuKezi, kuMatabeleland.
Baba vavo, VaThomas Nyongolo Letswana Nkomo, vaive mutungamiriri munharaunda yavaigara pamwe nemuparidzi weLondon Missionary Society (LMS). Vaive nemadzimai maviri nevana 10 zvekare vari mudzidzisi.

Pavakapedza kudzidza Standard Six paTsholotsho Government Industrial School, Dr Nkomo vakapihwa chitupa chekuveza. Vakazodzidzisa kuveza paManyame School, kuKezi icho chaive pasi peLMS pamwe nekuMakupa neIzinyama pedyo nePlumtree.

Dr Nkomo, neshungu dzekudzidza, vakazonoita zvimwe zvidzidzo kuAdam’s College, kuNatal, kuSouth Africa. Vari munzira kuenda kuSouth Africa, vakakwira chitima chimwe chete namushakabvu Enoch Dumbutshena pamwe negamba renyika Cde Herbert Chitepo. VaDumbutshena vakakurudzira Dr Nkomo kuti vapinde mune zvematongerwo enyika.

Vari kuSouth Africa, Dr Nkomo vakaita zvidzidzo zvaisanganisira BA Degree in Economics and Social Science. Panguva iyi ndipo pavatanga hushamwari nevaimbove mutungamiriri weSouth Africa, mushakabvu VaNelson Mandela, pamwe nevaive mutungamiriri weBotswana, Sir Sereste Khama.

Mugore ra1949, vakadzoka kumusha vakaroora mudzimai wavo, Johanna Fuyana (maFuyana) ndokutanga kushandira kambani yeRhodesia Railways.

Pavaishanda kukambani iyi, vakaona musiyano mukuru waivepo pakati pemari yaitambiriswa vatema nevachena asi vachiita basa rimwe chete.
Izvi zvakaita kuti Dr Nkomo vapinde mune zvekumiririra vashandi uye mugore ra1951 vakasarudzwa kuve sachigaro wesangano reRaiway Workers Association.

Muna 1955 vakasarudzwazve kuve mukuru weFederation of Africa Worker’s Union izvo zvakabva zvavaona vachipinda mune zvematongerwo enyika.

Mugore ra1952, vaive vasarudzwa zvakare kuve President weAfrican National Congress of Southern Rhodesia. Panguva iyi vakafamba nenyika yose vachikurudzira veruzhinji kupinda mune zvematongerwo enyika.

Dr Nkomo vakazosiya basa kuRhodesia Railways muna 1954 ndokubva vatanga kuzvishandira.
Vakazobatana nevamwe mune zvematongerwo enyika vanosanganisira Cdes James Chikerema, George Nyandoro, Henry Hamadziripi naEdson Sithole.

Panguva iyi, zvaiitika kunyika yeGhana maringe nezvematongerwo enyika zvakabatsirawo kuvandudzwa kweANC. Dr Nkomo nevamwe vavo panguva iyi vakaona kutora gidi pamwe nekurwisa hutongi hwemabhunu senzira bedzi yekupedza kudzvanyirirwa kwevatema.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey