Dura shamwari dzepabonde!

26 May, 2017 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Kuna Chiremba —
Ndiri murume ane makore 46 ekuberekwa, ndinogara kuManicaland. Ndakaenda kuchipatara munguva pfupi yadarika ndikavhenekwa ropa rangu ndikaonekwa ndiine utachiona hweHIV. Mukoti akabva anditaurira kuti ndimuudze nezvemamwe madzimai andakapinda nawo munyaya dzepabonde. Ndakabva pachipatara ipapo ndashamiswa uye ndiine kutya kukuru. Seiko ndichifanirwa kutaura izvozvo, zvinozofamba sei kana mudzimai wangu akaona mudungwe wemamwe madzimai vachienda kunovhenekwa muzita rangu? Ndiri kutyiswa nazvo.

Ndibatsireiwo ndapota.

Samanyika.

Kuna Samanyika

Ndinotenda zvikuru netsamba yawanyora. Rega ndikurumbidze pakutora kwawakaita danho rakanaka rekuenda kuchipatara pawakange usiri kunzwa zvakanaka nekuvhenekwa kwawakaitwa uchitambira zvainge zvabuda kuti uri kurarama neutachiona hweHIV. Tinokurudzira veruzhinji kuti vange vachitevedza matsimba ako.

Chekutanga, ndinoda kukuzivisa kuti pose paunoenda kukiriniki kana kuchipatara vanamukoti nanachiremba vanovheneka munhu wose anenge avashanyira kunyangwe nekuda kwezvimwe zvikonzero, inonzi muchirungu Provider Initiated Testing and Counselling (PITC). Izvi zvinobatsira kuti munhu wose ange achiziva paamire maringe neHIV. Pari zvino chikamu chinosvika makumi maviri nenhanhatu kubva muzana (26 percent) — munhu mumwe chete pakati pevanhu vana — ari kurarama neutachiona hweHIV.

Kana munhu akararama asingazive paamire pane mikana mikuru yekurwara uye kurasikirwa neupenyu asingazive kana kuramba achitutsirwa humwe utachiona. Bazi rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana rine donzvo rekunge rapedza AIDS pachasvika gore ra2030 kuburikidza nekuona kuti pachasvika gore ra2020:-

◆ 90% yevanhu vese vari kurarama neutachiona vave kuziva pavamire.

◆ 90% yevanhu vese vakaonekwa kuti vane utachiona vawaniswa mishonga yemaAnti-retroviral (ARV).

◆ 90% yevanhu vese vari kutora mishonga yemaARV vanenge vakunda mukurwisa utachiona mumiviri yavo.

Zvakadai, bazi rezveutano rine hurongwa zvakare hwekuti pavanhu vanenge vaonekwa kuti vane utachiona hweHIV, shamwari dzavo dzepabonde nemhuri dzavo vange vachiongororwawo nekurapwa.

Varapi vanozobatsira vadikanwi vako kuti vange vachivhenekwa utachiona uye zvese zvinenge zvaudzwa vezveutano itsindidzo, hapana anozofamba achizvitaura kuvanhu vese-vese.

Zvakakoshawo kuti vanhu vange vachishandisa dziviriro yekondomu kana mishonga yekurera mhuri kudzivirira pamuviri pasina kurongeka.

Saka kana muchinge makumbirwa mazita nepanogara shamwari dzenyu dzepabonde nemhuri dzenyu, sunungukai kupa vezveutano zvese zvavangada kuziva kuitira kuti vese vane utachiona vakurumidze kuzivikanwa, vagokurumidzazve kutangiswa kurapwa vararame.

Wako Chiremba.

Share This:

Sponsored Links