Dynamos, Bosso tiba

21 Jun, 2014 - 16:06 0 Views
Dynamos, Bosso tiba PARTSON Jaure

Kwayedza

PARTSON Jaure

PARTSON Jaure

NZIRA dzose svondo rino dziri kunanga kuNational Sports Stadium muguta reHarare apo makara asingaonane munhabvu, Dynamos FC ichasangana neHighlanders FC, mumutambo weCastle Lager Premiership. Mumwe mukono uchapunzikira pasi chete nemusi weSvondo kunhandare iyi nekuti zvikwata zviviri izvi zvagara zvinozivikanwa kubvira nakare kuti pose pazvinotamba kunotsva demo kuchisara mupinyi.

DeMbare ichapinda mumutambo uyu morari yayo yakadzikira zvikuru nekuti mumutambo wayo wekupedzisira yakakundwa 1-0 neHwange kozoti iyiwo Bosso yakakwanisa kuita mangange 1-1 neTriangle kuGibbo Stadium, kuTriangle.

Kukundwa kweDeMbare kwakaona Hwange ichikwirira muligi sezvo iye zvino ndiyo yakagara pamusoro ine zvibodzwa 22 ichiteverwa neBosso iyo ine 21. DeMbare, iyo ine mukombe uyu, yakagara pechishanu iine zvibodzwa 21.

Svondo rino maziso ose achange ari pana Masimba Mambare uyo akatiza Bosso kutanga kwegore rino achiuya kuDeMbare asi hazvisati zvave kuzivikana kuti achatambiswa here pamutambo uyu nemurairidzi wake, Callisto Pasuwa.

Mumitambo yadarika, Mambare ange asiri kutamba zvichitevera kukuvara kwaakaita.
Mumaziso evatsigiri veBosso, Mambare “muvengi” uye havadi kumbonzwa nezvake saka svondo rino kana akatamba achange ari panguva yakaoma,  Zvakadaro, kubva kwaMambare kuBosso kwakaona kuuya kwaKuda Mahachi uyo ari kutamba nhabvu inodakadza kuchikwata ichi.

Mahachi akaenda kuBosso nechikwereti kubva kuMamelodi Sundowns yekuSouth Africa uye matambiro ange achiita muchinda uyu akafadza chikwata cheMonaco chekuFrance icho chinonzi chiri kuda chaizvo kumutenga.
Kwayedza svondo rino yakaedza kuridzira nhare vamwe vatambi veDynamos pamwe nemurairidzi wayo, Pasuwa, kuti inzwe mafambiro ari kuita gadziriro dzemutambo uyu asi vose vaisadaira nharembozha dzavo.

Pane runyerekupe rwekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuchikwata ichi zvichitevera kukundwa kwachakaitwa neHwange.

Pakaridzirwa nhare kuna Partson Jaure neKwayedza akati haaikwanisa kutaura pamusoro pemutambo uyu nekuti anotya kupinda panguva yakaoma nevakuru vechikwata chake akabva adzima nharembozha yake.
“Munondipinza muna taisireva, hatisi kutenderwa kutaura nevatori venhau.

“Musadaro ndakumbira . . . ,” akadaro Jaure.
Zvakadaro, mune mimwe mitambo iriko svondo rino chikwata cheHarare City, icho chakagara mudenga rechinomwe zvichitevera kurakasha kwachakaita Bantu Rovers 4-1, chiri kunanga kuAscot Stadium uko chichanosangana neChapungu FC.

Harare City haina kuvamba zvakanaka gore rino muligi asi yave kutanga kusimuka.
Chapungu mumutambo wayo wekupedzisira yakakundwa 1-0 neZPC Kariba asi vazhinji vanoiziva kuti inonetsa kukunda kana ichitambira pamusha payo.

CAPS United iri kuenda kuChiredzi uko ichanosangana neChiredzi FC kunhandare yeChishamiso.
Chikwata ichi svondo radarika chakaumburudza Shabanie 3-0 saka chichapinda mumutambo uyu morari yakasimukira zvikuru kozotiwo kune rimwe divi, Chiredzi FC haisi kutamba zvinogutsa sezvo yanzwa nekurakashwa.
Mumutambo wayo wekupedzisira yakakundwa neChicken Inn 1-0.

Hwange FC, iyo yakagara pamusoro peligi, ichange iri pamusha svondo rino apo ichasangana neChicken Inn.
Zvikwata zvizhinji zviri muligi  zvinoziva kuti vakomana vemarasha kana vachitambira pamusha vanonetsa kukunda saka mutambo uyu uchange uchinakidza kukunda ngoma kurira.
Mitambo

How Mine FC v FC PlatinumBantu Rovers FC v Buffaloes FC
HwangeFC v Chicken Inn FC
ChiredziFC v Caps United FC
ChapunguFC v Harare City FC
Dynamos FCv HighlandersFC
Black Rhinos FC v Triangle UnitedFC
Shabanie Mine FC v Z.P.C KaribaFC

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey