Dynamos inohwinha: Silva…‘Mhuri yangu ichauya kuzopembera’

06 May, 2016 - 00:05 0 Views
Dynamos inohwinha: Silva…‘Mhuri yangu ichauya kuzopembera’

Kwayedza

MURAIRIDZI weDynamos FC, Paulo Jorge Silva, anoti ishasha panyaya dzekusasana nevanhukadzi uye mudzimai wake nemhuri vachauya kubva kuPortugal pakupera kwemwaka wePremier Soccer League kuzopemberera apo chikwata chake chinenge chahwinha mukombe.

Kubvira pakagadzwa Silva pachigaro chinopisa ichi, murairidzi uyu ange achingonetsana nevanhu, kusanganisira vatori venhau seveZBC izvo zvakamushoresa zvikuru neveruzhinji.

Achitaura nevatori venhau vakasiyana svondo radarika, Silva anoti mapepanhau akawanda anonyora zvakaipa pamusoro pake, zvimwe zvacho zvekunyepa, kusanganisira nyaya yekuti akamonya ruwoko rwemutori wenhau weZBC apo aida kumutora mifananidzo nguva yadarika pane mumwe mutambo wechikwata ichi.

“Ndinoshaya kuti zvimwe zvinenge zvichinzi ndarova munhu zvinenge zvabva kupi. Ndezvekunyepa zvega, vatungamiri vangu vaivepo vachiona zvaiitika ini ndakangovhara camera yavo ndikati musanditore vhidhiyo chete.

“Handina nguva yekurwisana madzimai ini, asi ndinotova***** (zvinyadzi) chete,” anodaro Silva.

Zvisinei, panguva iyo Silva anofanirwa kunge ari kushanda zvakasimba kuumba chikwata chake kuti chikunde mumitambo yacho, murairidzi uyu anoratidza kunge asingabvire mumadhirezi.

Svondo radarika pakatenderera mufananidzo waakange aine madzimai maviri apo mumwe wacho aive akamugarira pamakumbo zvakatuma veruzhinji kuti vave nedzimwe pfungwa.

Kwayedza payakabvunza Silva nezvemufananidzo uyu, anoti hapana chaanoona chakashata sezvo mumwe mudzimai aripo ari wemutevedzeri wake uye vakautorwa nguva pfupi yadarika vaenda kuBulawayo.

Silva anoti akasiya mudzimai nemhuri yake kuPortugal uye vachazouya kuzopembera naye kana DeMbare yahwina mukombe wePSL.

Zvisinei, anoti kana mudzimai wake akaona mufananidzo uyu panogona kuve nekugeda-geda kwemeno.

“Handinganyepi ipapo, mudzimai wangu akaona mufananidzo uyu zvinogona kundishatira, ndicho chokwadi. Panoitika matuz** (zvinyadzi) chaiwo,” anodaro. Murairidzi uyu ari parumananzombe sezvo achinzi akapihwa mitambo mitatu yekuti akunde kana achida kuchengetedza basa rake. Svondo rapera pamberi Dynamos yakakunda Mutare City Rovers, isati yagadzikwa mudhishi neCAPS United nemusi weSvondo wadarika uye vhiki rino ichasangana neHwange.

Anoti haazive zvekuti akanzi nevakuru veDeMbare ahwine mitambo mitatu uye kuti kana akakundwa basa rake rinogona kupera.

Silva anotizve chaanoziva ndechekuti pachapera mwaka uno DeMbare ndiyo ichange iri shasha dzePSL.

“Zvekuti ndakapihwa mitambo mitatu kuti ndihwine kana ndikatadza basa rangu richapera ndezvenhando izvo. Ini hangu handizvizive. Kana muchida kunzwa nezvazvo taurai nevatungamiri vechikwata chino. Ini basa ndakapihwa kuti nditungamire Dynamos igove shasha dzemuno.

“Pakupera kwemwaka uno mudzimai wangu ari kutouya kuzopembera neni tahwina mukombe wePSL,” anodaro Silva. Kune rimwe divi, Hwange iri kutatarika zvikuru mwaka uno izvo zvaiona ichihwina mutambo mumwe chete. Svondo radarika, yakarakashwa 4-1 neHarare City.

FC Platinum, iyo iri kutungamira muPSL zvichitevera kuhwina kwayaita mitambo mina yayatamba, ichange iri pamusha apo ichasangana neHarare City.

CAPS United yakagara mudenga rechinomwe zvichitevera kukwapaidza kwayakaita Dynamos svondo radarika – kanova kekutanga mumakore matanhatu – uye ichange iri pamusha kuNational Sports Stadium ichisangana neBorder Strikers.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey