Dynamos: Shasha 11 (1963-2015)…. . . sekuona kwaShaya naMukwesha

20 Feb, 2015 - 00:02 0 Views
Dynamos: Shasha 11 (1963-2015)…. . . sekuona kwaShaya naMukwesha

Kwayedza

GORE rino Dynamos FC ichasvitsa makore 52 kubva payakavambwa muna1963 uye ndicho bedzi chikwata munhorowondo yenhabvu muZimbabwe chakwanisa kutora mukombe werigi kwemakore mana akatevedzana.

Mumakore aya, Dynamos yabhabhatidzwa nemazita emadunhurirwa akawandisa zvekare yatambirwa neshasha mavhu nemarara – dzakawandisa. Glamour Boys kana kuti DeMbare sekuzivikanwa kwechikwata ichi mumakore ano chakabika nekubura vatambi vakawanda avo vakaita mukurumbira muno nekune dzimwe nyika. Vamwe vacho vava “madhara” asi vamwe vachiri kutemwa dzinobva ropa.

Svondo rino, Kwayedza ichakupai vamwe, sekuona kwevamwe vakambotambira Dynamos kare, vatambi 11 vakaita zvinorova mumakore ose aya.

Muhurukuro ne”madhara” maviri evamwe vakatanga kutambira DeMbare – Freddy Mukwesha naGeorge Shaya – vakasarudza semaonero avo shasha 11 dzevatambi vavanofungira kuti ndivo “vakatinha dehwe” zvisingabude mupfungwa dzavo kuDynamos.

Shasha 11 dzeDynamos:

Moses Chunga; George Shaya; Gift Muzadzi; Leon Ntawatawa; Kembo Chunga; Oliver Kateya; Tonderayi Ndiraya; Misheck Chidzambwa; Kenneth Jere; David Mandigora; Edward Katsvere

Mukwesha anoti DeMbare chikwata chikuru zvekuti hachingotambirwa nevatambi vose-vose.

“Dynamos chikwata chikuru, hachingotenge mutambi wese-wese. Unotofanirwa kunge uine chipo chemandorokwati kana ukaona chakutora,” akadaro Mukwesha.

Shaya akabva akatsinhira achiti: “DeMbare haingotenge mutambiwo zvake, isu nguva yataitamba chikwata chainge chizere nevatambi vanogona zvekuti dzimwe dzenguva ukakuvara chete kudzoka kwako muchikwata kwainetsa. “Dzimwe nguva taitotamba nhabvu takakuvara nekusada kubuda muchikwata nekuti zvainetsa kudzokamo.”

Vatsigiri vazhinji venhabvu vanowanzoita makakatanwa kuti ndeupi mutambi akanetsa kudarika vose kuDynamos apo vamwe vanoti ndiMoses “Bambo” Chunga vamwe vachiti ndiShaya uyo aizivikanwa nezita rekuti “Mastermind”. Vose vari pavatambi 11 vakaita zvinorova kuDeMbare. Asi Mukwesha anoti vatambi vaviri ava havafanirwe kuenzaniswa nekuti vakatamba nhabvu inonwisa mvura panguva yakasiyana.

“Ini handidi hangu kuenzanisa vatambi vaviri ava nekuti vakatamba nguva dzakasiyana. Vose vaigona zvikuru, vaive netarenda rainwisa mvura asi ndinoona hangu kuti Shaya ane nhoroondo inotaura zvakwanda kudarika yaChunga.

“Bambo aitamba hake, ndakamuona nguva yake uye dzimwe nguva aihwina mitambo ari oga asi Mastermind anga ari kumberi,” anodaro Mukwesha.

Ava ndivo vatambi 11 pamwe nevapabhenji vanonzi naMukwesha naShaya vakatamba nhabvu inodakadza uye nezvinofungwa ne”madhara” mavaviri aya (Havana kurongwa nehushasha hwavo):

Gift Muzadzi: DeMbare haisati yazomboita mumwe mubati wepagedhi aibata saUmbro.

Leon Ntawatawa: Anonzi aibata bhora zvikuru sekatsi asi akange asingasvike pana Umbro.

Oliver “Flying Saucer” Kateya: Aivhara bhora zvikuru achitamba shure kuruboshwe.

Misheck “Scania” Marimo-Chidzambwa: Aitamba shure ari pakati achivhara zvikuru.

Tonderayi Ndiraya: Vazhinji vaimuziva sa”Stanza”.

Kenneth “Computer” Jere: Hanzi naMukwesha aiyevedza zvikuru kuona achitamba.

Kembo Chunga: Aigona zvikuru asi aisasvika pane munin’ina wake Moses.

David “Yogi” Mandigora: Pari zvino ndiye ari kurairidza DeMbare asi yaiva nyanzvi.

Moses “Razorman” Chunga: Hanzi naMukwesha “Bambo aiyevedza zvikuru, dzimwe nguva achihwina mitambo ari oga.”

George Shaya: “Mastermind ndakatamba muchikwata chimwe chete naye chaive nevatambi vaigona, asi iye aiva mberi kwedu tose.”

Edward “Madhobha” Katsvere: Pakunzvenga hakuna aiti pwe-e.

Shaya naMukwesha vakawirirana kuti murairidzi anganzi “huruyadzo” kuDyanamos pamakore ose aya ndiSunday “Mhofu” Chidzambwa uyo akatungamirira chikwata ichi kusvika kufainari yeCAF Champions League ndokuzokundwa neAsec Mimosa yekuIvory Coast.

Vamwe vatambi vanonzi vakanetsa ndiJuly Sharara, Daniel “Dhidhidhi” Ncube naTaurai Mangwiro. Vamwe vakaita mbiri sevakasvitsa Dynamos mufainari yeCAF Champions League vaina Memory “Mwendamberi” Mucherahowa nevamwewo saTaurai “Doctor” Murehwa; Vitalis “Digital” Takawira naiye Murape “Monya” Murape havana kudomwa vaMukwesha naShaya.

* Vaverengi tutumirei venyu vamunoti ndivo shasha dzeDeMbare panhamba dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links