Dzidza zvako mwanasikana

30 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
Dzidza zvako mwanasikana

Kwayedza

ZIMBABWE iri kushingaira zvakanyanya kusimudzira kodzero dzemwanasikana, zvikuru muchikamu chedzidzo, kuti awane mukana wakaenzana newemwanakomana. Budiriro iyi inoonekwa nehuwandu hwevana vasikana vari kudzidza muzvikoro zvepamusoro zvakaita semakoreji nemayunivhesiti.

Izvi zviri kuona vanasikana vachikwikwidzana nevanakomana munyaya dzefundo izvo zvakaita kuti gore rapera vasikana vabudirire zvikuru kudarika vakomana mubvunzo dzeA-Level dzeZimbabwe School Examinations Council. Ongororo yakaitwa nekanzuru inoona nezvebvunzo munyika iyi, yeZimsec, inoratidza kuti vanasikana vakapasa nechikamu che74 percent kana zvichienzaniswa nechevakomana che68 percent, zvisinei zvazvo kuti vasikana vashoma vakanyora zvidzidzo zviviri kana kudarika.

Mukuru weZimsec, VaEsau Nhandara, vakapembedza vanasikana nekushanda nesimba kwavakaita. Vanoti izvi zvinhu zvakange zvisingaitike kwenguva refu uye vanofara kuti mugore ra2014 vanasikana vakakunda vakomana zvisinei nekuti huwandu hwevasikana vakanyora zvidzidzo zviviri kana kudarika hwakange hwakaderera muzvikoro zvakazvimiririra nezveveruzhinji kana zvichienzanisa nehwevakomana.

Budiriro yevanasikana mukufunda iyi inofanirwa kurumbidzwa nekuda kwekuti kuchiine vamwe vanhu vachiri nepfungwa dzekutarisira mwana musikana pasi. Makore adarika, kune vamwe vabereki vaive nepfungwa dzekuendesa mwana mukomana bedzi kuchikoro vasingakoshese fundo yemwanasikana uye kuchiri nevane mafungiro akadai.

Avo vane pfungwa dzakadai vanoda dzidziso yakasimba, yekuti vazive kuti mwanasikana anokwanisa kukwikwidzana nemwanakomana, ndokunge vakapihwa mikana yakaenzana.

Inga vakuru vakati chenga ose manhanga hapana risina mhodzi. Mwana musikana anokwanisa kuzofuma okuchengeta sezvaunogona kuitwa nemwana mukomana. Kune vamwe zvakare vanoti kana mari yevana yechikoro ichinetsa kuwana vaine vana vakawanda, anotangiswa kumiswa chikoro mwanasikana. Pfungwa dzine vanhu vakadai ava ndedzekuti kana mwanasikana akagumira chikoro panzira upenyu hwake hunogona kuzoendeka sezvo achizoroorwa. Asi aya mafungiro asingatarisirwe makore ano uye uku kumbunyikidza kodzero dzemwanasikana. Nhasi uno kune dzimwe tsika dzechivanhu pamwe nezvitendero zvichiri kumbunyikidza kodzero dzevanasikana. Kune vamwe vanoroodza vanasikana vari ndumurwa pamwe nekuvaripisa ngozi. Izvi ngazvipere!

Zviri pachena kuti mwanasikana akapihwa mikana yakaenzana nemwanakomana anogona kutoita zvinorova kudarika mukomana.
Tikatarisa nyaya yebvunzo dzeA-Level dzegore rapera, tinoona kuti vanasikana vakakunda mumazamanishoni aya vaive pamusoro pevakomana nechikamu che6 percent. Nhasi uno vanasikana vari kukwikwidzawo mumabasa epamusoro. Chinodiwa chete ndechekuti budiriro yevanasikana mufundo iyi irambe ichisimbaradzwa nekuti ndiyo nzira bedzi yekurwisa kumbunyikidzwa kwavo. Tinodaro nekuti kune vamwe vanhurume vane pfungwa dzekumbunyikidza vanhukadzi nechikonzero chekuti havakwanise kuzvimirira. Kana mwanasikana akawana mukana wekudzidza anokwanisa kuzvisarudzira zvaanoda muupenyu hwake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey