‘dzidzai kuzvishandira’

08 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
‘dzidzai kuzvishandira’ President Mugabe

Kwayedza

— President votsigira New Curriculum

MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mugabe vanorumbidza gwaro idzva redzidzo, reNew Education Curriculum, vachiti rinosimbaradza kuitwa kwemabasa emawoko uye rinopa mukana kuzvizvarwa zveZimbabwe wekuti zvizvishandire.

Vakataura mashoko aya muHarare svondo rapera apo vaiparura musangano weThird Education Conference and Expo 2017.

President Mugabe vanoti gwaro redzidzo iri rinobvisa muvadzidzi pfungwa yekuti kana vachinge vapedza chikoro vanofanirwa kutsvaga mabasa panzvimbo yekuti vange vachizvishandira nekuvawo vashandirwi.

“Dzidzo yakadai yakakosha nekuti vadzidzi vanokwanisa kushandisa zvavanenge vadzidza mukusimudzira upfumi hwenyika apo vanenge vapedza chikoro. Kwete dzidzo yekuti ugove mushandi chete, anoda kushandiswa chete.

“Vanoda kutsvaga mabasa kwete! Tinoda vachaita mabasa acho vachidawo kuti vamwe vafunde kwavari. Tinoda dzidzo yekuzviitira kwete dzidzo yekuitirwa,” vanodaro President Mugabe.

Vanoti zvakare New Curriculum ine donzvo rekubura vadzidzi vanodada nenyika yavo. Vadzidzi vemunyika muno, vanodaro President Mugabe, vanofanira kuve vakazvipira kuve nehunhu nekutendeka pamwe nekushanda nesimba.

“Regai ndizvitaure kuti mamiriro ezvinhu mazuva ano anoita kuti pave nezvimhingamipinyu panyaya yedzidzo, uye ichi ndicho chikonzero dzidzo ichifanirwa kuvandudzwa kuitira kuti zvikoro nevararidzi vafambirane nedzidzo inoenderana ne21st century.”

President Mugabe vanoti zvakakoshawo kuti vanasikana vaite zvidzidzo zvose, kusanganisira zveSainzi, sezvo vamwe vavo vachitokunda vakomana.

“Mwanasikana akasvika pakucherechedzwa. Mwanasikana aibatsira zvikuru vabereki, amai nababa kudarika mwanakomana. Sei?

“Mukomana anongopembereka munanaHarare nanaMbare umu, asi mwanasikana ari kumba. Hongu, ndiye anobika asi ndiye ane ruzivo,” vanodaro President Mugabe.

Vachitaurawo pagungano iri, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti zvakakosha kuti New Curriculum irambe ichivandudzwa kuitira kuti ifambirane nenguva.

Mashoko avo anotsinhirwa negurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kwemichina, Professor Jonathan Moyo, avo vanoti dzidzo yemuZimbabwe inofanira kubatsira munhu wose. — The Herald inotaura

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey