‘Dzidzisai vechidiki tsika dzakanaka’

25 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
‘Dzidzisai vechidiki tsika dzakanaka’

Kwayedza

ZVAKAKOSHA kuti vechidiki vayaruke vaine ruzivo pamusoro petsika nemagariro evanhu vatema vemuZimbabwe sezvo zviri izvo zvinoumba hunhu hwakanaka mavari, vanodaro VaRaphael Chikukwa vanove curator weNational Art Gallery of Zimbabwe.Vakataura mashoko aya nguva yadarika pagungano rezviratidzwa zvechivanhu zvakaita semapfumo, mbezo, hakata nehari dzinobikirwa zvakasiyana pasi pechirongwa chePfumvudza /Intwasa Art Exhibition icho chakaitirwa muHarare nguva pfupi yadarika.

“Tine donzvo rekuti vanhu vazive chinyakare chedu – kunyanya vechidiki vemazuva ano – zvaiitwa nemadzitateguru edu zvakaita sezunde ramambo nemapira ekunaisa mvura. Zvose izvi vechidiki vanofanirwa kuzviziva zvakare nekuzviremekedza,” vanodaro VaChikukwa.

Vanoti zviratidzwa zvakadai zvinobatsira zvakare mukudzidzisa veruzhinji kukosha kwekuchengetedza nzvimbo dzakaita semakomo nemasango anoera.

“Zvimwe zvakare zvinofanira kuzvivikanwa nevechidiki ndezvekuti patsika dzedu mumwedzi waMbudzi hakuroorwi, kuita mapira kana michato nekuti zvinoera nekudaro zvinofanira kukosheswa,” vanodaro VaChikukwa.

 

Share This:

Sponsored Links