Dzidzo inoda kuvandudzwa

13 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
Dzidzo inoda kuvandudzwa

Kwayedza

SHUNGU dzemubereki wose ndedzekuti mwana wake adzidze agozove neupenyu hwakanaka sezvo fundo iri nhaka yeupenyu. Hazvifadzi kuona mubereki nemwana vachishingairira mufundo isingazopa pundutso mune remangwana. Ichi ndicho chikonzero chikuru chakaita kuti Hurumende ione zvakakosha kuvandudza gwaro redzidzo yepuraimari nesekondari, ndokuunza New Curriculum kuitira kuti fundo yevana inge ichifambirana nenguva.

New Curriculum ine zvidzidzo zvinokoshesa mabasa emawoko nedonzvo rekuti vadzidzi kana vapedza chikoro, vasangotsvaga mabasa chete asi kuti vazokwanisa kuzvishandira pachavo kana kuvawo vashandirwi.

Izvi zvinofambisira nyika mberi.

Zvakakoshawo kuti dzidzo yepamusoro inge ichivandudzwa kuitira kuti ifambirane nenguva. Zvinorwadza kunzwa kuti kune mamwe madhigirii ari kuitwa nevadzidzi ayo anogona kusave nebasa panosvika gore ra2040 nekuda kwekuti anenge asisaenderane nezvinenge zvichidiwa panguva iyoyo.

Sekutaura kwemutevedzeri wegurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kwemichina Dr Godfrey Gandawa, kune madhigirii anosvika 12 anogona kushaya basa mugore ra2040 nekuda kwekuti mabasa anofanirwa kunge achiitwa nevanhu vane madhigirii aya anenge oitwa nemichina yechizvino-zvino.

Mamwe emadhigirii anonzi anogona kushaya basa nekufamba kwenguva anosanganisira Media and Society Studies, Political Science, Paralegal, Tourism and Hospitality Management, Pyschology, Accounting, Business Administration, Marketing, Economic History, Heritage, Pharmacy neHistory.

Madhigirii aya akawanda zvikuru uye kushaya kwawo basa kunorwadza nekuti zvakafanana nekuti vadzidzi ava vanenge vashingairira mudzidzo isingazovape pundutso mune remangwana.

Izvi zvinoreva kuti vadzidzi ava vanenge vasina chiyamuro mukusimudzira upfumi hwenyika. Vamwe vavo vanenge vapedza makore matatu kana mana vachiita zvidzidzo izvi asi pakupedzisira zvozoonekwa kuti madhigirii acho haana maturo.

Tinowirirana zvikuru nemashoko aDr Gandawa ekuti panofanirwa kutorwa matanho akasimba ekuona kuti dzidzo yepamusoro yavandudzwa kuitira kuti ifambirane neruzivo rwechizvino-zvino.

Ongororo yakaitwa nanamazvikokota vedzidzo inoratidza kuti vadzidzi vanodarika 30 000 vari kupedza fundo yavo pagore roga-roga munyika muno kubva kumayunivhesiti akasiyana.

Asi Hurumende iri kutsoropodza mamwe emayunivhesiti aya ichiti ari kubura vadzidzi vasingakwanise kuzvishandira asi vane chinangwa chekutsvaga mabasa chete. Ichi ndicho chimwe chikonzero chikuru zvakakosha kuti dzidzo yepamusoro inge ichivandudzwa.

Kuvandudzwa kwedzidzo yepamusoro kwakanakira pakuti zvinobva zvaita muchechetere semvura yeguvi nedzidzo yepuraimari nesekondari iyo yakatovandudzwa kare.Dzidzo ine pundutso ndeiyo yekuti mudzidzi akwanise kuzvishandira kwete kuda  kushandiswa chete.

Share This:

Sponsored Links