Dzidzo mberi, zvimwe shure

29 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
KUMIRIRA kwatanga takaita kuya kwasvika kwamvura yacheka makumbo. Goho redu rakabuda zvekuti mumasvondo maviri apfuura takanga tisingadi kutaura pamusoro pezvakabuda mubvunzo tichityira kukwidza manera vaya vakabuda zvakanaka uye kudzimbira vaya vasina kuzonyatsoita zvakanaka.

Chataityira kukwidza vakabudirira manera ndechekuti vamwe vaizogona kufarisa zvekutozogumisira vapinda munaTaisireva. Ndiyo nguva yakashandura upenyu hwedu nekuti kwatava kutonobatira tiri kwakasiyana munyika yedu yeZimbabwe.

Chokwadi vamwe vedu vakange vari mushishi vachishenaira nekumhayidzana nekugadzirisa nyaya dzenzvimbo nekuti vaitya kuzouraya mufaro weKisimusi wange wakaputira nyika yose nepasi rose zvaro. Vakabuda zvakanaka mubvunzo vakava nenguva yakanaka chose paKisimusi apa nekuti zvipo zvaingodirana haikona kutaura.

Kubudirira uku kwakauya nekushanda nesimba kubvira kuvadzidzisi muzvikoro, vabereki kudzimba uye pepa redu reKwayedza raikusha  zvirongwa zvedziziso kumativi mana ose enyika svondo rega rega. Tinoda kupa rutendo rukuru nekubatirana pamwechete kwakadai.

Kune avo vasina kuzowana goho rakanaka tinoti musaore moyo asi kutoti ivai netariro yekugadzirisa ramangwana. Hazvirevi kuti kana wadonha woramba wakarara mumadhaka imomo. Simuka uzvipukute guruva kana madhaka woenderera nehupenyu uchigadzirisa pose pawakakanganisa.

Tarisa chigutsa chakakudonhedza kuti ugochitsvagira nzira yekuchibvisa nacho mugwanza rauchafamba naro muupenyu kuti chisazokudonhedza zvakare.

Kubuda zvakasiyana kwatakaita mubvunzo chokwadi kunonongedzera kusiyana kwezvikoro kwatichaenda. Vamwe vachaenda kuzvikoro zvinogarwa ikoko (boarding schools) vamwewo vachienda kuzvikoro zvavanodzidza vachibva kumba. Vamwewo ndivo vakawana zvikoro zviya zvine mukurumbira wekuburitsa goho repamusoro vamwe vachienda muzvikoro zvakangodarowo.

Hazvinei kuti zvamira sei asi pepa redu reKwayedza richaramba richitumira dzidziso dzepamusoro neyambiro dzinotibatsira kuti tisazowira mutsekwende. Muzvikoro imomo vadzidzisi vakamirira kushandiswa newe kuvaka ramangwana rakajeka.

Kuchikoro kwawava kuenda kwava kuda kuti uzviitire zvizhinji wega. Uchanopiwa chiredzo nepekuraura pacho kuti iwe ugozvibatira miramba yako wega. Ukasasunga kuti dzisimbe unobva kurwizi ikoko usina kana nekajenya chaiko kawabata asi vamwe nhava dzizere magwaya. Kuzviverengera nguva zhinji ndiwo unenge wava mutambo wacho nekudaro chiita hushamwari nebhuku nechinyoreso.  Ukaverengera uchiti ndichazoti, chokwadi unoradza mbuya nenzara. Chibva watorigamha richabva Hwedza

Nemhaka yekuti wabva zera, maziso ako ava kuyeverwa nezvakawanda zvemunyika. Uchatorwa mwoyo nezvakawanda zvinouya mberi kwako nekuti wava kuyaruka. Asi rega ndikuyambire kuti chimwe nechimwe chine nguva yacho. Chimboita sebofu kune zvinhu zvisinei nekudzidza. Idzo shamwari chaidzo urutsa ugosara nedzinovaka. Ndinodaro nekuti dzimwe shamwari dzinokufurira kupinda mutsika dzausinzogona kuregedza kana dzichinge dzabata mbariro dzemusoro sekudzidziswa zvinodhaka. Unopedzisira woita zvekunzvenga chikoro uchienda kunoita izvozvo pedzisire wava muranda wazvo.

Unogona kufurirwa zvekudanana nevakomana kana nevasikana wotorerwa nguva yekuverenga wava kuita zverudo. Iyo nyaya yekuda twunonaka inogona kukupinza mukutsvagirwa harahwa kana chembere dzine mari kuti uwane twunonaka. Ziva kuti kana watanga tsoro iyi nemukondomberawo wakakumirira nemaoko maviri. Usangomhanyirire kupinda makereke ausina kudzidziswa navabereki vako nekuti mamwe acho ndiana Mapunze.

Ndinokushuvirai gore idzva ra2018 rizere nemufaro!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey