Dzikamai: Pasuwa

29 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Dzikamai: Pasuwa

Kwayedza

MURAIRIDZI wechikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors, Kalisto Pasuwa, anoti hana dzevatambi vake dzinofanirwa kudzikama uye vorega kuvhunduka-vhunduka kana vachida kunohwina kumutambo weAfrican Cup of Nations kuGabon muna Ndira.Mutambo uyu uchatanga musi wa14 Ndira uchizopera 5 Kukadzi.

MaWarriors ange ave nemakore 10 asati abudirira kuenda kuAfcon sezvo akapedzisira  kukwikwidza mumutambo uyu mugore ra2006 kuEgypt.

Zvakadaro, kubva Pasuwa paakagadzwa pachigaro chinopisa chekurairidza maWarriors atungamira chikwata ichi kumitambo mikuru inoti yeAfrican Nations Cup (CHAN) neCosafa Cup iyo yakatambirwa kuNamibia uye mumitambo yose iyi chikwata chake hachina kutamba zvinogutsa.

Mumitambo yeCHAN neCosafa Cup, maWarriors aitadza kubuda muboka ravo kuti afambire mberi kuenda kure.

Muhurukuro neKwayedza svondo rapera, Pasuwa anoti chikonzero chakatadzisa chikwata chake kutamba zvinogutsa mumitambo iyi – CHAN neCosafa Cup – inhau yekuti vamwe vatambi vake vairohwa nehana uye kutya sezvo vakange vasati vambotamba mitambo mikuru.

“Chandakaongorora ndechekuti vatambi vedu vazhinji vaivhunduka, kurohwa nehana chaiko zvekuti zvaivatadzisa kutamba nhabvu chaiyo.

“Aka kaive kekutanga kevamwe vatambi vedu kutamba mitambo mikuru saka zvinenge zvaivavhundutsa zvekuti kana mamwe matambiro ataiita handiwo atinotarisira kubva kwavari.

“Manje mitambo mikuru yakaita seCHAN, Cosafa Cup neAfcon ukavhunduka kana kurohwa nehana chimwe chikwata chikazviona chinokurikitai zvamusati mamboona,” anodaro.

Pasuwa anoti panguva ino apo vari kuita gadziriro dzavo dzekuenda kuAfcon iye pamwe nevaanoshanda navo vari mushishi yekukurudzira vatambi vavo kuti vasarohwe nehana uye kuti varwe semvumba izvo vakaita apo varirwira tikiti rekuenda kuGabon.

Chikwata chake, anodaro Pasuwa, chinofanirwa kushandisa mikana yachinenge chawana mumitambo yacho kuti chinwise sezvo vakaitambisa zvinogona kuvakanganisa sezvavakaita kumitambo yadarika yeCHAN neCosafa Cup.

“Kuenda kuAfcon kwatiri kuita tiri kuda kunonyora nhoroondo nekuhwina mukombe uyu, asi chekutanga ndechekuti tinofanirwa kuhwina mitambo yedu yemuboka redu.

“Chinhu chikuru ndechekuti tinofanirwa kunwisa mikana yatinenge tawana mumitambo yedu uye tirambe tichichengeta bhora nekuti tikarasa mikana zvinotikuvadzisa.

“Izvezvi tiri kushanda zvakasimba kukurudzira vatambi vose kuti vadzikamise hana dzavo vasavhunduke. Tikarasa mikana zvinokutuvadzisa uye takazviona kakawanda,” anodaro.

MaWarriors kumutambo weAfcon ari muboka rine zvikwata zvinoti Algeria, Senegal neTunisia.

Munhoroondo yemaWarriors achikwikwidza kuAfcon, aka ndekechitatu uye nyika yose ichange yakatarira kuona kuti achabuda here muboka rawo iri.

Mumakore anoti 2004 ne2006, maWarriors pose angobudira muboka ravo otadza kuenda kure.

Pasuwa akakwanisa kutungamira chikwata chake kubuda muboka racho anobva anonyora nhoroondo yakatadzwa nevamwe vakamborairidza maWarriors vanoti Sunday ‘Mhofu’ Chidzambwa naCharles Mhlauri.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey